Kutsvaga nzvimbo dzeForm 1 kwatanga

14 Dec, 2021 - 17:12 0 Views
Kutsvaga nzvimbo dzeForm 1 kwatanga VaTaungana Ndoro

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

BAZI redzidzo yepuraimari nesekondari riri kukurudzira vabereki nevadzidzi vanoda kutsvaga nzvimbo dzeForm 1 dzegore ra2022 kuti vashandise dandemutande rinoti emap.co.zw/Form1Enrol/

Muhurukuro neKwayedza, VaTaungana Ndoro, avo vanova mukushi wemashoko mubazi iri vanoti zvakakosha kuti vabereki vashandise dandemutande reEMAP kutsvaga nzvimbo dzevana dzeForm 1 dzegore ra2022.

“EMAP yakatozaruka izvozvi kuti vabereki vabatsirane nevana vavo mukutsvaga nzvimbo dzeForm 1. Tinoyambira vabereki kuti vasazoita chitsokotsoko kutsvaga nzvimbo pachikoro chimwe chete, kunyanya zviya zvavanoziva zvine mukurumbira nekuti mikana yekushaya nzvimbo pazvikoro izvozvo inenge yakakura.

“Nyaya dzekuwanda kwevana pachikoro chimwe chete hadzichakodzeri nekuda kwechirwere cheCovid-19 nekuti varairidzi vane huwandu hwavanotarirwa kudzidzisa,” vanodaro VaNdoro.

Vanoti mwana ari kuda nzvimbo anokwanisa kunyorera kuzvikoro zvishanu, asi kana chikoro chimwe chete chikamupa nzvimbo, haakwanise kuwaniswa nzvimbo nezvimwe zvikoro.

“Vakuru vezvikoro vachatanga kutora vana mushure mekunge magwaro ezvakabuda pabvunzo (dzeGrade 7) dza2021 ashambadzwa nekanzuru yeZimbabwe Schools Examination Council (Zimsec) uye vanenge vabudirira kuwana nzvimbo vanoziviswa kuburikidza nemashoko panhare dzavo zvichibva kuzvikoro.

Ndeapi matanho anotorwa pakutsvaga nzvimbo paEMAP?
. Chekutanga, unogadzira akaundi yako
. Chepiri, vhurai dandemutande rinoti: www.emap.co.zw
. Danho retatu, vhurai dandemutande movhura zvakare chikamu (link) chine zvinoda kuzadziswa mukuvhura akaundi yenyu (sign up).
. Danho rechina, nyorai centre number uye candidate number pamwe nezuva rekuzvarwa kwemwana ari kuda nzvimbo muchishandisa gwaro rine zvaakabuda nazvo pabvunzo dzeGrade 7.
. Danho rechishanu, muchaedeswa kuchikamu chinotaura kuti chizadzikisai kuti zvamanyora ndezvechokwadi uye kuti machenurwa nechikoro chaidzidza mwana, mopindura kuti “hongu”.
. Danho rechitanhatu – endai paya pakanzi zvinotevera (click next)
. Danho rechinomwe, zadzikisai zvinodiwa senharembozha uye moisa pasiwedhi yamunoda.
Zvichakadai, vabereki vakawanda vatova mushishi kutsvaga zvikoro izvo vanotarisira kuzoendesa vana vavo uye vamwe vari kutotenga zvimwe zvinodiwa kuchikoro kuitira dambudziko rekushaikwa kwemari iro rinowanza kusangana nevanhu mukutanga kwegore apowo zvikoro zvinovhurwa.

Share This:

Sponsored Links