Kutsvaga problem asi uriwe problem yacho

01 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
Kutsvaga problem asi uriwe problem yacho

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA: naIgnatius Mabasa
KANA ukarota hope uri zvausiri, usasuwe nekuti warota uri zvausiri. Zvauri unozviziva, zvausiri unozviziva. Muka urambe zvausiri, utaure zvauri. Muka urarame hupenyu, kwete hope. Funga pamusoro pezvinhu zvechokwadi. Asi nguva zhinji tinogashira manyepo, torarama manyepo tichiziva kuti manyepo. Tine hope zhinji dzatinorota takasvinura. Tinorota tichida zvinhu, tichida weave nemari. Uchenjere kuti zvinhu zvaunorota wakasvinura zvinotsvaga nzira yekuuya kuzozadzikiswa muhupenyu hwako nyangwe neback door. Kana ukararama mupfungwa dzekuda bonde uchiona pono, mweya yehupombwe nekuda bonde inouya ikawaridzawo bonde rayo mauri.

Kana tichitongwa nenyama, tinovengana naMwari nekuti nyama ndiyo inokupa kuti usvike pakuimbira stonyeni nziyo nemuromo mumwechete waunorumbidza nekunamata nawo Mwari. Mwari vanoti anodyarira nyama achakohwa kuora.

Imbomira kurarama hupenyu hwemapikicha epaWhatsApp urege kuzvinyengera. Ndiwe here uye zvauri paWhatsApp picture ndizvo here? Chii chiri muhupenyu hwako chauri kuzvinyepera kuti haisi problem?

Une mari here yekugara kwauri kugara? Unozviziva kuti uri kudanana nemurume kana mukadzi wemunhu asi uri kuita sekuti haisi problem.

Uri muranda wefoni yako zvekuti unorara wakaitsamira, iproblem iyoyo. Uri kunwa doro kudarika mvura, uri kukwereta uchiziva kuti hauzive kwauchawana mari yekudzosera. Uri kuda kutaura chirungu, asi chirungu chacho chiri kuramba kutaurwa newe! Une problem.

Uri kutiza mumvuri wako sezvakaimbwa naMtukudzi. Uri kutsvaga problem kumaporofita anotoriwo neproblem asi iwe uriwe problem yacho.

Tsvaga chikonzero chaita musoro uteme shamwari. Chausina hauna, usachemere zviri muhupenyu hwaNhingirikini nekuti hauzive kuti zvaari nezvaanokuratidza zvacho, izvozvo zvinokutora mwoyo manyepo.

Unonyepa zvekuti kana nhunzi dzinonhuhwirwa newe, asi iwe unoramba uchiwedzera zvidhinha pamba yako yemanyepo, upstairs yemanyepo, uchitoiturika denga, wotoiplasta nekuisa pendi yemanyepo. Unozviziva kuti hausi zvako mujeri, asi uri mbavha. Uripo pabasa paunodada napo, asi pane wawakatorera basa iroro nekuti iwe wakaita madhiri.

Ichokwadi uri kunzi une degree, asi paunotaura vakadzidza tinokunyarira.

Saka unogona zvako kupfuurira mberi nemanyepo ekuti hupombwe hwauri kuita hahubatwe, asi kunyepa ikoko kuzvivakira upstairs yemanyepo.

Achinyorera VaFiripi, Pauro muBhaibheri akati: “Pakupedzisira hama, ndinoti kwamuri: fungai pamusoro pezvinhu izvi zvose zvechokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinoyevedza, kana paine chinhu chakaisvonaka kana chinorumbidzwa, fungai pamusoro pezvinhu izvi zvakadai.”

Kana uchida kuziva kuti weave manyepo, ichengete irimo mumusoro mako kwegore rese uone kana ukasatanga kunhuhwa. Ukasanhuhwa ichakuvava. Ikasakuvava ichatanga kuramba kuti tsepete.

Rega kumirira kuti manyepo ako apedzisire ave kuita sechokwadi kwauri nekune vamwe. Zizi akazviita mungano akaudza dzimwe shiri kuti ane nyanga, asi nhengure akazoti anyatsomutarisisa, akaona kuti zvainzi inyanga akanga ari manhenga.

Gara pasi urambe manyepo ako kuti utange kurarama muchokwadi. Chokwadi chakagara chataurwa naMwari pachezvavo kuti tikange tachiziva chinotisungura.

Nyaya yehupenyu inongoda kuti tirarame sezvatakarongerwa nemuridzi wehupenyu. Hakuna munhu ari perfect, asi kana uchifunga kuti uri perfect, watotanga kuzvinyepera.

Bhaibheri rinoti “Kana tichiti hatina zvivi tinozvinyengera uye chokwadi hachisi matiri.”

Zvibvunze shamwari ugere ipapo sekutaura kwechimbo chatinoimba parufu, zvibvunze kuti kana ukafa uchaendepiko?

Share This:

Sponsored Links