Kuumba hari dzemaruva

05 Oct, 2022 - 15:10 0 Views
Kuumba hari dzemaruva VaGift Zirende

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME anogara kuSt Marys, kuChitungwiza orarama nekuumba mavhasi anoiswa maruva achiatengesa rinove basa raanoti anotarisira kuti richamusimudzira mune ramangwana rake.

VaGift Zirende (24) vanoti vakatanga kudzidza basa rekuumba mavhasi iri mugore ra2018 vari kupurazi reGilstone kuBeatrice uko vaigara nevabereki vavo.

“Ndaigara nevabereki vangu kuBeatrice apo ndakashairwa mari ndokugumira Form 3 ndokubva paita mumwe murume anonzi Tobias Pfumayamaso akatanga kundidzidzisa basa iri. Ndakabata zvaidiwa nenguva ndakazotanga kuita ndoga basa iri tichibva tazouya kuno kuChitungwiza,” vanodaro VaZirende.

Murume uyu anoumba hari dzemaruva idzi nedhaka achishandisa muchina unotenderedzwa nemagetsi.

“Ndinogadzira mavhasi chete zvisinei kuti ndine hurongwa hwekugadzirawo zvimwe. Nyaya hombe ndeyekuti ndinotenda rusununguko rwenyika nekuti basa iri raisiitwa chete nemakambani aizivikanwa kwete nevanhu vakazvimirira,” vanodaro VaZirende.

VaGift Zirende

Vanoti vakatadza kuenderera mberi nechikoro nekushairwa mari uyewo nekuti vaisava nemagwaro ekuberekwa.

Murume uyu anotenga ivhu raanoumbisa kwaChimusoro, kuEyrecourt kuWaterfalls muHarare.

“Ndine chido chekutengesa midziyo iyi kunzvimbo dzakaita sekuBeitbridge, Nyanga, Victoria Falls, Birchenough nekumwe. Asi dambudziko nderekuti handina motokari dzinogona kunditakurira zviumbwa izvi kuenda ikoko,” vanodaro VaZirende.

Murume uyu akavaka hovhoni yaanopisira hari dzake idzi anozodzipenda kuti dzivandudzike.

VaZirende vanoti vakagadzirawo vhasi rine mufananidzo wemutungamiriri wenyika President Mnangagwa.

“Ndakagadzira vhasi rine mufananidzo wemukuru wenyika chinova chipo chandinoda kusvitsa kwavari. Ndakamboona MP vedu muno saka ndakangomirira kuti chido changu chisvitswe,” vanodaro VaZirende.

Amai vavo, Mai Milca Zirende (57), vanoti vanobatsirana nemwanakomana wavo kuti basa iri rifambire mberi.

“Ini ndine basa rangu rekunhonga zvigubhu ndichitengesa, panguva yandinosununguka ndinomubatsira kukanya dhaka nekuisa huni muhovhoni achipisa zviumbwa izvi,” vanodaro Mai Zirende.

Share This:

Sponsored Links