Uncategorized

Kuuraya kunoita: Muporofita wetsono

12 Sep, 2014 - 09:09 0 Views
Kuuraya kunoita: Muporofita wetsono

Kwayedza

MUPOROFITA uye wechechi yeJohane Masowe Nyenyedzi Nomwe yeNguwo Tsvuku, nyakubuda mubepanhu rino svondo rapera pamberi achiti anogona kuuraya vanhu netsono, anoti haaone paine chakashata kuti munhu anofa nechipotswa kana kuti mishonga yake inenge yadzoserwa kwaari.

Madzibaba Prangadai Passmore Chinovava (26), uyo anonamatira kupurazi reChigomo, kuMt Hampden, anoti pakuita izvi handiye anenge akuvadza kana kuuraya munhu, asi kuti chake bedzi kudzosera mishonga yakaipa inenge ichida kukuvadza vamwe kumuridzi wayo.

Svondo rakapera pamberi Kwayedza yakaburitsa madzibaba uyu achishandira imwe mhuri yaida kuti zvinhu zvakaipa zvayaiti yainge ichishungurudzwa nazvo zvidzoserwe kunouraya kana kukuvadza dzimwe hama dzavo dziri kwaChigango kuMukumbura, kuMt Darwin.

Mushure mechiitiko ichi, muporofita uyu akazoudza bepanhau rino svondo rapera kuti pane vanhurume vana kubva mumhuri yaainge ashandira kudzosera mishonga vari kurwara zvekuda kufa.

“Ndine vanhu vaye vamakaona vachibatsirwa vachiti vairoiwa nehama dzavo, ndakavagadzira netsono tikaita mhiko dzedu dzekudzosera ndokuvasimbisa. Izvozvi pandiri kutaura kudai vari kurwarira kufa. Chokwadi, vakatomirira kufa. Kana hama dzacho dzikadzoka dzichiti vanoda kuti vararame asi vagare vachirwadziwa kweupenyu hwese tinozviita,” akadaro Madzibaba Passmore.

“Ini ndinogadzira kuti chipotswa kana mishonga nezvikwambo kana zvidhoma nezvimwe zvinenge zvatumidzirwa kuvanhu zvidzokere kuvaridzi vazvo.

“Sezvidhoma, zvinosvika zvichirova varidzi vamwe vachitungwa nenyanga dzavo nekurohwa nemheni dzavo. Saka ini ipapo ndinenge ndisina mhosva. Zvakafanana nekuti imbwa iri kuda kukuruma wozoisaidzira kumuridzi wayo, hazvina mhosva izvo,” akadaro.

Obvunzwa kuti akauraya vanhu vakawanda zvakadii kuburikidza nekudzosera zvakaipa uku, akati haazive.

“Ndinobatsira vanhu vakawanda zvikuru, dzimwe nguva vanodarika 200 pasvondo. Mukatarisawo pahuwandu uhwu vanhu vari pakati nepakati vanenge vaine matambudziko ezvipotswa zvinoda kudzoserwa kuvaridzi vazvo saka vane chitsama vacho vanofa. Asi, ngozi haiuye kwandiri, inoenda kunewe wandituma kuti ndiuraye nekuti ndiwe unoteketa mutupo kuti mhiko dzibate.

“Ini handizive mutupo wehama yako ini.”

Muporofita uyu, uyo asina kuroora, akatadza kupindura zvakajeka apo akabvunzwa kuti anochema here panofawo hama dzepadyo dzekwake.

“Rufu rwunorwadza munhu wese, hazvina mhosva kuti afa waimuda here kana kuti kwete. Asi pane pamwe paunoitawo misodzi yegarwe kuti zvidarike,” akadaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey