Kuuraya munhu kunge huku?

24 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Kuuraya munhu kunge huku? Assistant Commissioner Paul Nyathi

Kwayedza

Abel NdookAa naMalven Mugadzikwa

VERUZHINJI vanoti vari kushushikana zvakanyanya nenyaya dzevanhu vanonzi vari kufamba nemabhemba (machete) nezvimwe zvombo vachirova kana kuuraya vanhu vachivatorera zvinhu zvavo.

Brian Madamombe

Nhubu idzi dziri kunyanya kurura kunzvimbo dzinoitwa zvechikorokoza uko vari kutorera vanhu zvicherwa zvavo zvakaita segoridhe nechisimba.

Mutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Police munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti kusvika pari zvino, mapurisa asunga vanhu 1 536 vari kupomerwa mhosva dzekupamba vachishandisa mabhemba.

“Mapurisa eZimbabwe Republic Police anozivisa nyika kuti vachange vachiita tsvakurudzo pamusoro pevari kupara mhosva vachishandisa mabhemba uye kuita chikorokoza zvisiri pamutemo. Mapurisa ari kushanda nesimba kuti mutemo ugotevedzerwa munyika yose.

Fredd Nyakudanga

“Kutaura kuno pasungwa vanhu vanosvika 1 536 avo vange vachipara mhosva nemabhemba uye vamwe vange vachiita chikorokoza. Mapurisa akabata motokari dzakawanda, pfuti, pfuti dzemanyepo (toy guns), mabhemba, pepper sprays, zvombo zvakasiyana, digital scale nezvimwe zvinoshandiswa pakuchera zvicherwa,” vanodaro.

Kwayedza inoita hurukuro neveruzhinji avo vari kuchema-chema nekuda kwevanhu ava.

Mai Nomsa Ncube vemuHarare vanoti vanhu vari kuita izvi vanofanira kubatwa vopihwa mitongo yakaomarara kumatare edzimhosva.

Farirai Mamombe

“Zvakamboitika kupi izvozvo, kuti munhu anouraya mumwe nebhemba kuita sekunge ari kuuraya huku? Vanhu ava vari kufamba vachibira nekumbunyikidza vanhu, kumanikidza madzimai pabonde vachishandisa mabhemba sezvombo. Vanhu vakadai havafanire kubatwa vachiregedzwa. Panofanira kutorwa matanho ekuti vakabatwa vaiswe mumajere vasingabudi, havafaniri kuzodzokera kunogarisana nevanhu futi.

“Ndinongokurudzirawo kuti ngatibataneiwo kunamatira nyika yedu kuti zvakadai zvisaramba zvichiitika,” vanodaro.

Brian Madamombe anoti katsika kemabhemba kanofanira kuongororwa kuti kakatanga sei.

“Ngapatsvagwe kuti vanotungamirira vanhu ava ndiyani. Hazvina kungotanga nekuzara nyika yose, zvine kwazvakatangira uye kune akatanga nazvo.

“Panoda kuitwa tsvakurudzo kuti zvakatanga sei. Vatova kachikwata kachazotinetsa mangwana. Vachaisa tsika munyika yekuti munhu wose anoda kugadzirisa dambudziko rake anofanira kushandisa bhemba. Hurumende ngaione zvekuita nekukasira,” anodaro.

Mai Farirai Mamombe, vemuHarare vanoti nyaya iyi yave kutyisa uye kune vamwe vave kungoita mabasa akashata kusanganisira kubira vanhu vachishandisa mabhemba.

“Ini ndinoona sekunge pane mweya wakashata wengozi chaiwo, ndiwo wabata vamwe vanhu. Ndiwo wave kukonzera kuti vanhu vatange kuuraya vamwe nemabhemba. Shuwa kuteura ropa risina charakatadza? Kuuraya kunge huku kudaro?

“Pave kudiwa kuti vemakereke tinamatire nyika yedu kuti mweya iyi yabata vanhu idzingwe. Vanhu tave kutya kufamba takasununguka, kana kubatsira vanhu kwave kutotyisa nekuti hauzive waunenge watakura, anogona kunge aine bhemba. Zvazongosangana, vamwe vanhu vave kubawo,” vanodaro.

Kuchiti VaFredd Nyakudanga vanoti vakatombosangana nevanhu vaive nemabhemba vakavabira mari nechikwama chavo, nharembozha neshangu dzavakange vakapfeka. Vanoti zuva iri havarikanganwe nekuti vakambofunga kuti upenyu hwavo hwavaperera.

“Ini nerimwe zuva kuSoutherton, muHarare ndakasangana nevamwe varume vatatu tichitsvaga makombi anopinda muguta reHarare. Asi makombi akange asiri kuuya tikangoti ngatifambei kuenda kuRothmans togona kuwana chinotitakura nekuchimbidza. Tangoti fambei mbichana, ndakarohwa ndare ndikawira pasi, ndipo vakomana vakandiburitsira mabhemba. Hana yakarova ndikati ndafa pano, asi vakangonditorera mari, chikwama chaive nerezinesi neshangu dzandainge ndakapfeka,” vanodaro.

Kudakwashe Nyamauya anoti nhau yevanofamba nemabhemba inofanirwa kugadziriswa nekuchimbidza nekuti vanhu vave kutya kufamba vakasunguka kana kufamba husiku.

“Mapurisa ari kuita basa rakanaka kusecha motikari vachitsvaga mabhemba nekuti tave kutya kufamba takasununguka. Isu sevechidiki, tinoda kugara takasununguka kwete tichitya mabhemba. Kukura kwedu kwese hatina kumbozvinzwa asi iye zvino tave kushaya kuti zvave kubvepi,” anodaro Nyamauya.

Share This:

Sponsored Links