Kuuraya munhu kunge huku?

19 Jul, 2019 - 00:07 0 Views

Kwayedza

SVONDO rino tine imwe nyaya inosuwisa zvikuru iyo yakaitika kuMberengwa, kudunhu reMidlands. Iyi inyaya yemurume ane makore 42 okuberekwa uyo ari kunzi aponda ambuya vake vane makore 93 okuzvarwa achiita zvekuvatema-tema nedemo apo aivapomera mhosva yekuti vainge vatengesa jongwe ravo rehuku nemari yakaderera pane yaaitarisira iye.

Zvinonzi murume uyu akanzwa kuti ambuya vake vakange vatengesa jongwe ravo ne$15 zvikaita kuti avabvunze, ivo ndokutsinhira kuti chaive chokwadi.

Zvinonzi muzukuru uru akazoviruka nehasha, ndokutora demo raive muimba yekubikira, achibva atema-tema ambuya vake naro.

Ambuya ava vanonzi vakabva vangofira panzvimbo.

Murume uyu anonzi mushure mekupara mhosva iyi akabva atiza achienda kusina anoziva uye mapurisa ari kumutsvaga nemeso matsvuku kuitira kuti asungwe agoendeswa kumatare anotarisana nemhosva yaari kupomerwa iyi.

Nyaya iyi inorwadza zvikuru kuti chokwadi munhu angaponde chembere ine makore 93 okuberekwa nekuda kwejongwe rehuku? Munhu kufira huku here?

Chembere iyo yange yave chipangamazano kumazera akasiyana mudunhu iri yogurirwa upenyu hwayo panzira nekuda kwehuku?

Kusakoshesa upenyu zvakadini kunoita kuti munhu asvike pakuponda chembere achiipomera mhosva isina musoro zvachose yakadai?

Iyi inyaya yekuti murume uyu naambuya vake vaifanira kutaura pasina kukakavadzana pamusoro pemutengo wakatengeswa nawo jongwe iri.

Apa huku iyi yainge isiri yake zvekare.

Tinovimba kuti pari zvino murume uyu kwaari ari kudemba kuti dai asina kuparamura mhosva iyi, uye anofanirwa kunozvipira kumapurisa.

Veruzhinji vanofanirwa kukoshesa upenyu hwevanhu kwete kuuraya munhu kunge huku kudaro.

Vanhu vakwegura vari kusangana nekushungurudzwa kwakasiyana kunosanganisira kupomerwa kuti vanoroya.

Kurarama upenyu kwemakore akawanda chipo chinobva kuna Mwari kwete kuti munhu wose angokwegura kana kuchembera aonekwe semuroyi.

Mazuva ano kune nyaya dzakawanda dziri kubuda dzevanhukadzi nevanhurume vachiri kutemwa dzinobva ropa avo vamwe vacho vari kutopupura voga kuti vakaromba uye vanenge vachitsvaga rubatsiro mushure mekunge vanetswa nehurombwa hwavo.

Saka pfungwa yekuti vanhu vanenge vakwegura vanoroya inofanirwa kubva mune veruzhinji nekuti vechidiki ndivo vari kutobata-bata mishonga yakaipa zvakanyanya.

Nguva pfupi yadarika, bepanhau reKwayedza rakaburitsa nyaya yekuMasvingo yeimwe harahwa inonzi yakaita mazuva maviri ichirohwa nevehukama ichipomerwa kuti inoroya.

Harahwa iyi yakasvika pakufa nekuda kwekurohwa uku.

Nguva yadarika zvakare, Kwayedza yakabuditsa nyaya yeharahwa yekwaSeke yakafa ichiita zvekupiswa nemoto ichipomerwa kuti inoroya.

Zviri pachena kuti vanoita zvakadai vari kutora mutemo vachiisa muhomwe dzavo nekudaro vanofanirwa kurangwa nemutemo zvakaomarara.

Vanhu vakwegura kana kuchembera vanofanirwa kupihwa ruremekedzo rwavanokodzera kwete kushungurudzwa.

Kana munharaunda muine vanhu vakwegura, munenge muine chiremerera sezvo vakadai ava vari ivo zvitubu zveruzivo.

Share This:

Sponsored Links