Kuvhara pombi, maburi anounza Hiv

27 Oct, 2017 - 00:10 0 Views

Kwayedza

APO nyika yava pedyo nekupemberera zuva guru reWorld AIDS Day iro rinogarocherechedzwa nomusi wa1 zvita gore negore, zvakakosha kuti pange pachivharwa maburi kana pombi dzinoita kuti utachiona hweHIV hunge kuchiramba huchitekeshera.

Mhemberero dzegore rino dzichange dzichiitwa kuWhite City Stadium, kuBulawayo nomusi wa1 Zvita 2017.

Dzichaitwa pasi pedingindira rinoti “Kuvhara pombi dzinounza utachiona hweHIV Hutsva”.

Nyaya dzeutachiona dziri kuramba dzichiwanda uye kune matanho akasiyana ari kutorwa mukuedza kuderedza kupararira kwahwo pasi pechirongwa chinodaidzwa kunzi Fast-Track To End AIDS By 2020.

Zvakakosha kuti veruzhinji vabatane mukurwisa HIV kuburikidza nekutevedza nzira dzinotevera dziri paLogo:

Ruoko

Ruoko mucherechedzo wenzira dzakasiyana dziri kushandiswa mukudzivirira kutapuriranwa kweutachiona hutsva idzo dzinosanganisira dzinotevera:

  • Kuvhenekwa HIV
  • Kudzivirirwa kutapurirwa kweHIV kubva kuna amai ichienda kumwana.
  • Kushandiswa kwemakondomu.
  • Kuchecheudzwa
  • Kubvisa rusarura
  • Kurwisa mhirizhonga
  • Kushandiswa kwemishonga inodzivirira HIV – Pre-exposure prophylaxis

Pombi

Pombi mucherechedzo wehwaro hunouya neHIV kureva kuti pombi inofanira kuvharwa senzira yekudzivirira HIV

Donhwe remvura

Donhwe remvura rinoreva utachiona hweHIV hutsva.

Zvinhu zvakakosha mukurwisa HIV zviri paLogo:

Danho rekutanga

Kuvhenekwa HIV ndiyo imwe nzira yekurwisa utachiona uhu, kudzivirira uye kurapwa.

Zvakakosha kuti munhu ange achiziva kuti ane HIV here kana kuti hwete nekuti zvinobatsira kuti azive kuti otsvaka rubatsiro rwekurapwa here kana kuti kwete.

Kana munhu asina HIV, zvakakosha kuti azvichengetedze kuti asatapurirwe nenzira dzakadai sekushandisa makondomu, kuregedza kupinda pabonde zvachose nekuva akavimbika.

Kana munhu aine HIV akatangisa kunwa mishonga yake yemaARVs, zvinobatsira kuti ararame upenyu hunoendeka.

Danho repiri

Kushandiswa kwemakondomu kwakakosha mukudzivirira HIV hunova utachiona hunokonzera AIDS nezvimwe zvirwere zvepabonde zvinotapuriranwa.

Makondomu anobatsira mukudzivirira zvirwere zvakadai seZika Virus neEbola.

Kushandiswa kwemakondomu evarume kana emadzimai kwakanaka nguva dzose sezvo kunodzivirira zvakare pamuviri pasina kurongeka.

Danho retatu

Kudzivirira kutapurirwa kweutachiona kubva kuna amai huchienda kumwana kunobatsira mukurwisa HIV kumadzimai anenge aonekwa aine utachiona, zvikuru sei panguva yekusununguka mwana nepakuyamwisa.

Kutapurirwa kweutachiona kubva kunaamai huchienda kumwana kwakanyanya uye kunogona kudzivirirwa nenzira yeOption BPlus programme apo madzimai akazvitakura anopihwa mishonga yemaARV zvisinei nekuti CD4 Count yavo inenge yakakwira zvakadii.

Danho rechina

Kuchecheudzwa kwevarume kwakakosha zvikuru kunova kubviswa kweganda rekunze renhengo yesikarudzi. Kuchecheudzwa kunobatsira mukuderedza mikana yekutapurirwa kweHIV kubva kumadzimai huchienda kuvarume nechikamu che60 percent. Ongororo yakaitwa nesangano reWHO neUNAIDS inotaridza kuti zvakakodzera kuti vanhu vange vachiongororwa utachiona hweHIV, kushandisa makondomu, kurapwa kwezvirwere zvepabonde nekutsigirwa kwezvirongwa zvine chekuita nebonde rakachengetedzeka.

Danho rechishanu

Kubvisa nyaya dzerusarura kuvanhu vanorarama neutachiona hweHIV uye kuwaniswa kwavo rubatsiro rwepachena nekuvakurudzira kuti vange vachibuda pachena maringe neutachiona hwavo kuitira kuti nyika izadzikise zvinangwa zvayo zve90 90 90 mugore ra2020 apo pari kutarisirwa kuti chikamu che90 percent chevanhu vari kutora mishonga yavo yemaARVs chinge chagona kudzikisa huwandu hweutachiona mumiviri yavo.

Danhu rechitanhatu

Mhirizhonga inowedzera kutapuriranwa kweutachiona hweHIV, zvikuru sei kumadzimai nevanasikana.

Mhirizhonga iyi inogona kunge iri yepabonde inoita kuti madzimai nevanasikana vave panyatwa mukutapurirwa utachiona hweHIV apo vanopindwa navo pabonde rekumanikidzira kana kuti nenzira yechisimba izvo zvinoderedza masimba avo kuti vange vachikwanisa kuzvidzivirira.

Danho rechinomwe

Magariro akaita vanhu nekutaurirana kwakakosha zvikuru mukurwisa HIV nekuti zvinoita kuti vanhu vakwanise kunovhenekwa nekurwisa nyaya dzinovaisa panyatwa yekutapurirwa.

Dzimwe nzira dzinoisa vanhu panyatwa yekutapurirwa HIV ndedzinotevera:

  • Kuva nevadikanwi vakawanda vepabonde
  • Kusashandisa makondomu nemazvo uye nguva dzose
  • Kupinda pabonde nevanhu vemazera makuru pakati pwere nevemamwe mazera asinganderani navo sekuti vanhu vane musiyano wemakore mashanu kana kudarika okuberekwa.
  • Kusaenzana kwemikana pakati pevarume nevanhukadzi.
  • Kukurumidza kupinda munyaya dzepabonde
  • Vanoita mabasa echipfambi kana vatyairi vemagonyeti avo vanofamba nzendo ndefu vari panyatwa yekutapurirwa kana kutapurira HIV zvichienderana nenzvimbo dzavanoshandira.
  • Kushomeka kwevarume vari kutora danho rekuchecheudzwa.

 

Share This:

Sponsored Links