Kuvheneka Covid: Zim yorumbidzwa

17 May, 2021 - 16:05 0 Views
Kuvheneka Covid:  Zim yorumbidzwa

Kwayedza

Thandeka Moyo-Ndlovu

SANGANO rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation (WHO) rinorumbidza Zimbabwe nekusimudzira chirongwa chekuvheneka vanhu chirwere cheCovid-19 kuburikidza nenzira ye”antigen rapid diagnostic” nedonzvo rekurwisa kupararira kwedenda iri.

Chirongwa ichi chakatanga mumwedzi waMbudzi wegore rapera uye kusvika pari zvino chasimukira kakapetwa kana.

Zimbabwe pari zvino iri kuvheneka Covid-19 vanhu vanosvika 4 000 pazuva.

Bazi rezveutano nekurerwa kwevana rinoti chirongwa ichi chiri kubatsira zvikuru panyaya yekuti vanhu vakawanda vavhenekwe Covid-19.

Zimbabwe kusvika nemusi weSvondo yaive yavheneka vanhu 125 606 chirwere ichi pachishandiswa nzira yeantigen rapid diagnostic apo vamwe vanodarika 412 458 vange vavhenekwa kuburikidza nePolymerase Chain Reaction (PCR tests).

Kuvheneka hutachiona kunoitwa nenzira yeantigen rapid diagnostic kunonzi kuri nyore kushandisa sezvo kusingade michina yemumalaboratory kana mimwe inodhura seyePCR.

“Zimbabwe yasimudzira kushandiswa kwenzira yeantigen rapid diagnostic kuvheneka Covid-19, izvo zviri kuona vanhu 4 000 vachivhenekwa pazuva – kunova kukwira kwakapetwa kana (4) mushure mekunge chirongwa ichi chaparurwa munaMbudzi 2020,” inodaro WHO.

Dr Raiva Simbi, avo vanove Deputy Director Laboratory Services kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, vanoti kuvhenekwa kwevanhu Covid-19 nenzira iyi kwakatanga muguta reHarare ndokuzopararira kumativi ose enyika.

Vanoti makiriniki akawanda munyika ari kukwanisa kuvheneka vanhu denda iri achishandisa nzira yeantigen rapid diagnostic apo vanovhenekwa vanoziviswa zvinenge zvabuda mukati memaminitsi 20 kusvika 30.

Izvi, vanodaro Dr Simbi, zvasiyana nenzira yePCR iyo inoda nguva refu yekuti munhu avhenekwa nekuziviswa zvinenge zvabuda.

“Tinofara kuti tiri kukwanisa kuenda kumativi ose enyika panyaya yekuvhenekwa kwevanhu chirwere ichi,” vanodaro Dr Simbi.

WHO inoti nzvimbo dzinosvika 600 dzakasarudzwa kuti vanhu vange vachivhenekwa Covid-19 kuburikidza nenzira yeantigen rapid diagnostic apo vashandi vezveutano vanodarika 1 800 kumatunhu gumi enyika vakadzidziswa kuti chirongwa ichi chinofambiswa sei.

“Kuvheneka pachishandiswa nzira yeantigen rapid diagnostic kunobatsira zvikuru panyaya yekudzivirira kupararira kweCovid-19 uye nezvimwe zvakadai sekutsigirwa pakurapwa, kuronda vanhu vakambosangana nevanenge vawanikwa vaine chirwere ichi, ongororo uye tsvakurudzo yekunenge kwanyuka chirwere ichi.

“Kudzidziswa kwevashandi vezveutano kuri kuenderera mberi, kunyanya kunzvimbo dziri kumapeto enyika uko kusina malaboratory nezvimwe zvekushandisa zvakakwana,” inodaro WHO.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey