Kuvhenekwa HIV negomarara

31 May, 2019 - 00:05 0 Views
Kuvhenekwa HIV negomarara Madzimai akamirira kuvhenekwa HIV negomarara.

Kwayedza

Tadiwa Nyatanga-Pfupa
SANGANO reNational AIDS Council (NAC) pamwechete nevatsigiri varo vari kuramba vachishanda nesangano reAngel of Hope Foundation, bazi rezveutano nekurerwa kwakanaka kwevana neUNFPA uye nguva pfupi yadarika vakaita musangano wemadzimai nechinangwa chekuvheneka madzimai chirwere chegomarara neHIV kwaGutu, kuMasvingo.

Mudzimai wemutungamiriri wenyika First Lady Amai Auxillia Mnangagwa – avo vanove patron wesangano reAngel of Hope Foundation – vari kushanda zvikuru mukurwisa chirwere chegomarara munyika uye vakapa rubatsiro rwemabhazi akatakura vanhu vakauya kugungano iri.

Zviuru nezviuru zvemadzimai vakapinda musangano uyu waikotsverwa nekereke yeApostolic Faith Mission (AFM) Church yekuChatsworth, kwaGutu.

Madzimai 684 vakakwanisa kuvhenekwa gomarara pamusangano uyu, vatatu vavo vakaonekwa kuti vakange vaine gomarara remuchebereko.

Pamadzimai 684 aya, 33 vavo vakaonekwa kuti vakanga vaine utachiona hweHIV uye vatatu vavo vakaonekwa kuti vakanga vaine gomarara.

Vachitaura maringe nezvakabuda muongororo iyi, Mai Caroline Siweru – avo vanova murongi kuNAC Care and Treatment and Support – vanoti madzimai akawanda anoratidza kunge vane utano nyambisirwa vanenge vaine gomarara remuchibereko.

Vanoti vanokurudzira madzimai kuti agare achivhenekwa. Mai Siweru vanoti kazhinji kacho kana munhu akaonekwa kuti ane utachiona hweHIV pane mikana mizhinji yekuti anogona kudaro aine chirwere chegomarara sezvo zvichimupinza panyatwa.

Kunyangwe varume vakawaniswa mikana yekuvhenekwa HIV pagungano iri.

Pamusangano uyu – uyo waive wemazuva matatu – vanhu 295 vakavhenekwa HIV uye vatanhatu vakaonekwa vaine utachiona.

Vakafanobata chigaro chaNAC operating director – VaDavid Nyamurera – vanoti vanotenda zvikuru chirongwa ichi chekuendesa utano kuvanhu

Mumwe wevakaonekwa aine utachiona hweHIV (zita tinaro) anoti akavhenekwa gomarara remuchibereko.

“Ndiri kutoshamisika kuti ndaonekwa kuti ndine utachiona hweHIV zvisinei nekuti ini nemurume wangu tiri nhengo dzakasimba mukunamata,” anodaro.

Anoti anotenda zvikuru kupangwa mazano kwaakaitwa nokudaro achanoudza murume wake kuti atore nzira imwechete yekuvhenekwa kuti azive paamire.

Bazi rezveutano nekurerwa kwakanaka kwevana ndiro rakatanga kufambisa chirongwa chekurwisa chirwere chegomarara.

Sangano reNAC rakabva ratevedzawo matsimba aya zvichitevera kudyidzana kunoita chirwere ichi neHIV. MuZimbabwe, chikamu che60 percent chezvirwere zvitsva zvegomarara zvinodyidzana neHIV.

 

Share This:

Sponsored Links