Kuvhiya chidembo: Unomuudza sei kuti idya mushe?

03 Nov, 2022 - 16:11 0 Views
Kuvhiya chidembo: Unomuudza sei kuti idya mushe? Kuvhiya Chidembo

Kwayedza

Kune vamwe vanhu vakadaro . . . vekuti kana achidya haatevedze tsika kana kuti hunhu hwepakudya.

Anodya achingopaumba kutaura, uku mate achitsatika. Kana achitsenga chikafu ungati ari kudzingirirwa kana kuti pane anoda kumubvutira. Ko iko kuridza mukanwa? Uku vanhu muri pakati pekudya iye anongokwiridzira madziwa kana kutorifura.

Mumwe anotokokorodza gararwa riri pahuro, vanhu vari pateburu. Zvikange zvakakwidza chikafu chinenge chichipoya nemakaperera miromo sezvinonzi aita chekupakichwa chakawandisa mukanwa. Kana kuri kunokora sadza, musuva wacho ungati haachazodya zvekare.

Ndiro yange iine usavi, mumwe anoita yekunanzva kuratidza kuti muriwo wapera. Dai minwe ichipera, yevamwe ingadai isisipo nekunanzvwa. Variko vanhu vasingatevedze hunhu hunodiwa pakudya.

Iwee unonzwa sei nevanhu vakadai . . .?

Share This:

Sponsored Links