Uncategorized

Kuvigwa kwaTapiwa kwakambomiswa

12 Jan, 2021 - 13:01 0 Views
Kuvigwa kwaTapiwa  kwakambomiswa Mushakabvu Tapiwa Makore

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MHURI yekwaMakore, kwaMurehwa – iyo ine mwana mukomana akapondwa gore rapera, mutumbi wake ndokuwanikwa usina dzimwe nhengo dzinosanganisira musoro, mawoko nemakumbo – inoti yambombira kuviga mutumbi uyu zvichitevera kunyuka kwaita chirwere cheCovid-19 kechipiri munyika muno sezvo pasi pemitemo yekurwisa denda iri vanhu vasiri kubvumidzwa kuungana.

Tapiwa Makore (Jnr) akapondwa gore rapera uye pane vanhu vane chitsama, kusanganisira vemhuri yekwaMakore, vakatosungwa nekuda kwenyaya iyi.

Vamwe vakasungwa vachipomerwa kuponda mwana uyu ndiTapiwa Makore (Snr) (57) nemufudzi wake wemombe Tafadzwa Shamba (40) uyewo naThanks Makore (57) anova munyambiri waTapiwa (Snr).

Thanks akapihwa bhero nedare reHigh Court nguva pfupi yadarika asi Tapiwa Snr naShamba vari mutirongo.

Mutauriri wemhuri yekwaMakore – Mai Beaulla Musupai (49) – vanoti hurongwa hwaivapo hwekuti mimwe mitezo yaTapiwa Jnr ivigwe nemusi wa9 Ndira hazvichakwanisika nechikonzero chekutevedza matanho ekudzivirira Covid-19.

“Semhuri, taiva tawirirana kuti tizoviga mutumbi wemwana nemusi wa9 Ndira izvo gweta redu rakanga ranyorera kumapurisa ndokubvumidzwa uye kuno Mambo Mangwende vakakumbirwa kuti tizoviga mwana kunyangwe zvake asina musoro, maoko nedzimwe nhengo, vakatibvumidza. Zvino nekuzonyuka kwaita chirwere cheCovid-19 kechipiri, tazoona zvisina kukodzera,” vanodaro Mai Musupai.

“Tinoda kuti mutumbi wemwana wedu uvigwe zvine mutsigo paine vanhu vakuru nevemachechi vanopupura kuipa kwezvakaitwa. Mwana wedu kupondwa sehuku, vanhu vachidambura musoro? Saka tinoda kumirira nguva yakakodzera kuita izvi, vanhu toratidza shungu dzedu kuburikidza nemashoko,” vanodaro Mai Musupai.

Mutumbi waTapiwa Jnr hauna musoro, mawoko, nedzimwe nhengo.

Gweta remhuri yekwaMakore – Mai Tabitha Chikeya – vanotsinhira nyaya yekuti vakambomisa kuvigwa kwemutumbi wemwana uyu.

“Taiva tawirirana kuti tizoviga mutumbi wemwana uyu nemusi wa9 Ndira kunyangwe usina zvawo musoro nedzimwe nhengo. Asi nekuda kwedambudziko reCovid-19, tazoona zvisina kukodzera kuti tizviite panguva ino sezvo vanhu vasiri kubvumidzwa kuungana,” vanodaro Mai Chikeya.

Vanoenderera mberi vachiti, “Taiva tapedza zvose kubvira kukumbira mvumo kumapurisa nekwaMambo Mangwende nemamwe mapazi tikabvumidzwa.”

Vanoti nyaya yevasungwa vari munyaya yekupondwa kwaTapiwa Jnr yaifanirwa kudzokera mudare nemusi wa6 Ndira asi haina kuzopinda nekumbomira kushanda kwezvimwe zvikamu zvematare edzimhosva nekuda kwechirwere ichi.

“Tamirira kupihwa gwara mumwedzi uri kutevera waKukadzi kuti tizoziva kuti nyaya iyi ichadzokera zvakare mudare riinhi,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links