Kuyamurana FC, Avenues zvorwira mukombe

16 Jan, 2025 - 18:01 0 Views
Kuyamurana FC, Avenues zvorwira mukombe

Abel Ndooka

KUCHANGE kusingadanwe anonzwa panhandare inodaidzwa kuti Pabawa kuMbare, muHarare apo chikwata cheKuyamurana FC chichabandana necheAvenues mufainari yemutambo weWonder Kalota National Stodart Cup Final svondo rino.

Mutambo uyu wakatanga gore radarika uine zvikwata zvakawanda.

Chikwata cheKuyamurana neAvenues zvakarwa semvumba kuti zvisvike kufainari yemutambo uyu.

Chikwata chichahwina svondo rino chichawaniswa mukombe, yunifomu, menduru dzegoridhe nemari.

Nerimwe divi, chikwata chichakundwa chichawaniswawo mari nemenduru dzesirivha.

Mutambo uyu unorongwa nechinangwana chekusimudzira nhabvu yevechidiki muMbare pamwechete nekurwisa kutorwa kwezvinodhaka.

Mutungamiri wechikwata cheKuyamurana FC – Munyaradzi Taundi – anoti mitambo yakaita seiyi yakakosha zvikuru sezvo iri kubatsira kusimudzira vatambi venhabvu vakasiyana vanobva munzvimbo dzakaita seMbare.

Anoti shuviro yavo huru kuona vechidiki vachisimukira munhabvu kusvika padanho rekunotambira kunze kwenyika.

“Mbare inozivikanwa zvikuru ichibika vatambi vakasiyana venhabvu naizvozvo tiri kushanda zvakasimba kubika vatambi kuti vagosimukira mumutambo uyu.

“Mitambo yakaita seyeWonder Kalota National Stodart Cup Final iyi yakakosha zvikuru.

“Tiri kuda chaizvo mitambo yakawanda yakaita seiyi nekuti inobatsira zvekare kubvisa vechidiki mukutora zvinodhaka.

“Naizvozvo svondo rino chakachaya mufainari yemutambo uyu,” anodaro Taundi.

Mutambo wefainari uyu uchingopera, wa2025 unobva watanga sezvo draw racho rakaitwa svondo rino.

 

Share This:

Sponsored Links