‘Kuzengurira kubaiwa kuchatipinza panjodzi’

01 Dec, 2021 - 17:12 0 Views
‘Kuzengurira kubaiwa  kuchatipinza panjodzi’ Dr Mahomva

Kwayedza

Nqobile Tshili

HURUMENDE inoti kuzengurira kubaiwa majekiseni ekudzvirira chirwere cheCovid-19 kuri kuitwa nevamwe vanhu kune njodzi huru yekukonzera kunyuka kwedenda iri kechina (fourth wave) muZimbabwe.

Nyika ino ine tarisiro yekuti panopera gore rino inge yabaya chikamu che60 percent chevanhu vose vari muZimbabwe kuti inge yakadzivirirwa kudenda iri.

MunaChikumi gore rino, vanhu vaibaiwa nhomba dzekudzivirira Covid-19 pazuva munyika yose vaidarika 100 000 asi pari zvino vadzikira kusvika pa20 000.

Kunzvimbo dzinobairwa vanhu majekiseni, hakusisina mitseste iri kuonekwa izvo zvasiyana nenguva yadarika.

Kusvika pari zvino, vanhu vanodarika 3,7 miriyoni vabaiwa nhomba dzekutanga (1st dose) dzekudzivirira Covid-19 apo vamwe 2,8 miriyoni vabaiwa majekiseni ose – ekutanga neechipiri (2nd dose).

Dr Agnes Mahomva, avo vanova Chief Co-ordinator weCovid-19 mumahofisi emutungamiriri wenyika nedare reCabinet, vanoti zvinoshungurudza kuti veruzhinji havachatevedzera matanho akatarwa ekudzivirira kupararira kwedenda iri uye vamwe havasi kuda kubaiwa nhomba idzi.

“Tinofanirwa kunzwisisa dambudziko riripo uye nekwariri kubva. Rimwe dambudziko guru nderekuti vanhu vavarairwa zvikuru munharaunda,” vanodaro Dr Mahomva.

“Vanhu vanoratidza kuti vari kufunga kuti hapana zviri kuitika panyaya yeCovid-19. Vanofunga kuti hapana zvinoitika kwavari, saka vatodekara zvavo.”

Vanoti Hurumende iri kusimbaradza zvirongwa zvekukurudzira vanhu vasati vabaiwa nhomba kuti vabaiwe.

Dr Mahomva vanoti zvakakosha kuti vanhu vemunharaunda vatore matanho ekuzvidzivirira kubva kudenda iri kuburikidza nekubaiwa majekiseni.

Vanamazvikokota vezvesainzi, vanodaro, vari mushishi yekuita ongororo yehutachiona hutsva hweOmicron uho hwakanyuka kuSouth Africa neBotswana, pakati pedzimwe nyika.

“Tinoramba tichipihwa gwara rekutevera neWHO (World Health Organisation) iyo inoti nyika dzinofanirwa kukoshesa nyaya yekuti vanhu vabaiwe nhomba dzekudzivirira denda iri.

“Izvi ndizvo zvatakatarisana nazvo uye tiri kushanda nesimba nepatinokwanisa,” vanodaro Dr Mahomva.

Dr Edwin Sibanda vanove mukuru muchikamu chezveutano mukanzuru yeBulawayo vanoti apo nyika yakatarisana nenjodzi yekunyuka kwechirwere cheCovid-19 kechina nekuda kwekuvepo kwehutachiona hweOmicron, veruzhinji vanofanirwa kutevedzera matanho aripo ekurwisa denda iri

“Kupararira kweCovid-19 hakusanduke nekuti pave nehutachiona hweAlpha kana kuti Omega, tinofanirwa kushambidza maoko, kusaita chitsokotsoko, kupfeka mamasiki nenzira kwavo uye kuzora sanitizer, ndizvo zvinoshanda.

“Zvinoshanda kune dzimwe mhando dzehutachiona nekudaro tinofanirwa kutevedzera izvozvo,” vanodaro Dr Sibanda.

Vanoti chirongwa chekubaya nhomba dzekudzivirira Covid-19 muguta iri chakanyanya kunangana nekubaya vane makore 16 ne17 okuberekwa muzvikoro.

Share This:

Sponsored Links