Uncategorized

Kuzivikanwa nemahwani akapfeka ngowani

22 Feb, 2019 - 00:02 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA

naIgnatius Mabasa
NDIRI kunyora ndiri kure nekumba. Chinondipa tariro ndiri kwandiri kuno ndechekuti ndiri kukwanisa kutaura nemi vari kumusha. Ndiri kukwanisawo kutaura nemhuri yangu, pamwechete nekunzwa zviri munhau.Ndisati ndauya kuno kwandiri, ndakanga ndine zvinhu zvakawanda zvandaifanira kufunga pamusoro pazvo. Ndakanga ndichinetseka kuti ndichafamba sei. Kana ndasvika ndichagara pai? Vanhu variko vachandigashira zvakanaka here? Vachandibatsira kuti zvandiri kufambira zviite ndikurumidze kudzokera kumba here?

Nyangwe zvichinzi chitsva chiri murutsoka, dzimwe nguva kufamba kwakafanana nekukurungwa. Unomanikidzwa kuti usiye zvawajaira uchiita zvausingaite mazuva ese.

Kana ukafamba, uchaitiswa zvimwe zvinhu zvausingade, uchamanikidzwa kutevera mimwe mitemo. Uchamanikidzwa kuti utaure nevanhu, ubvunze mibvunzo. Kana wafamba, une rombo rakanaka ukawana anokuziva nezita.

Vanokuona vanongoonawo munhu ari kufamba. Havazive kwawabva kana nguva dzawabva, havazive kwauri kuenda, kana kwauchanorara wave.

Munguva dzakadai, hupenyu hunondirangaridza mombe dzasangana padhibha. Ibvonyongera. Vavariro inenge iripo ndeyekudhibha, kana kutiza dhibha nekuzodzokera kumba. Kudhibha hakusi kumba, hakuna mafuro.

Asi kufamba kwangu kwandibatsira kuti ndifunge pamusoro pehupenyu. Munhu wese mufambi. Nyangwe ukazvarirwa nekukurira munzvimbo yauri, uchazongofamba nerimwe remazuva. Uchafamba mutumbi wako uchienda muguva, mweya wako uchienda kunyika yemweya. Kunyika yemweya kunenge kusisina basa nekupfeka patapata rako riye rakasungwa newaya.

Asi imbozvifunga nenzira iyi. Toti wafa. Hauchanzwa kushevedzera kwemakombi. Hauchanzwa kurira kwemhanzi yemaGafa. Hauchakwanisa kuda doro kana mari. Ipapo wongoerekana wakombwa nerima gobvu rekuti kana ukasendeka bhasikoro parima iroro, bhasikoro haridonhe.

Uri murima gobvu iroro, wobva wangoona madhimoni egehena mazhinji, uye emhando dzakasiyana-siyana akaunganira Satani. Uchiri pakati pekushamisika nekutya kuti wasvika sei ikoko, wobva wangonzwa zita rako richitaurwa naSatani. Unoshama muromo wako, asi unenge usingazive kuti uri kuda kudaira here kana kuridza mhere. Chiri kuda kuti uridze mhere inyaya yekuti wazivikanwa nezita, zvese nemutupo wako.

Zita rako rakakosha, kana rikashevedzwa pamusika pakazara vanhu unoziva kuti izita rako rashevedzwa. Kuzivikanwa kwakanaka, asiwo kunotyisa. Kuzivikanwa kwakanaka kana uri pamugwagwa pane vanhu vausingazive uye kunze kwave kudoka. Uri ipapo uchinzwa kutya nekuti mota dzese dzinenge dzisiri kumira, panobva pamira mota. Vanhu vamwe pavanomhanya kuti vapinde, muridzi wemota anobva ati haasi kutakura, amirira munhu waaziva. Ipapo anobva ashevedza zita rako, wobva watakurwa.

Asi kuzivikanwa naSatani mahwani akapfeka ngowani. Satani anogona kukuziva nekuti uri mhandu yake. Kuna Mabasa aVapostori 19:15 panonzi nemweya wakaipa, “Jesu ndinomuziva, naPauro ndinomuziva, asi imi ndimi vana aniko?” Kuzivikanwa kwaJesu naSatani ndekwekumutya nekumuvenga.

Asi kana iwe ukange wasvika kugehena wowana zita rako richizivikanwa, pane zvinhu zvazvinoreva. Handizive kuti iwe unozivikanwa kupi uye nani?

Ndakarwadziwa nekufa kwemudzidzisi wangu VaCharles Mungoshi svondo rakapera. Ndakatenda Mwari nekushandisa kwakaita VaMungoshi chipo chavo chekunyora mabhuku. Asi ndakazonyanya kufarisisa pandakanzwa kuti VaCharles Mungoshi vakanga vagamuchira Jesu Kristu semuponesi wavo.

Ndakafara nekuti kuzivikanwa kwaVaMungoshi panyika pano kwakanga kusingazopinduka kuve marwadzo kana vasvika kudenga vonzi naJesu, “Ko iwe ndiwe aniko?”

Mbiri, mari, simba, fashoni, brazillian weave kana magate hazvimise rufu. Kana tafa, chinhu chinenge chasara chine basa ndechekuti tinoziva Jesu here, uye iye anotiziva here?

Share This:

Sponsored Links