Kuzunza mambure konetsa

30 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
Kuzunza mambure konetsa Joey Antipas

Kwayedza

2010: 20; 2017: 17; 2018: 17

Abel Ndooka
MUMAKORE masere adarika, zvikwata zvinokwikwidza muCastle Premiership zviri kukundikana kubika mutambi anokwanisa kunwisa ka20 mumwaka mumwe chete.

Izvi zvakapedzisirwa kuitwa mugore ra2010 apo Norman Maroto – uyo aitambira Gunners FC – akanwisa ka22 ndokuhwina mubairo weGolden boot.

Kubva gore iri, hapanazve mumwe mutambi akwanisa kuzviita uye mwaka uno Rodwell Chinyengetere weFC Platinum – shasha dzeCastle Premiership – ndiye akahwina mubairo uyu asi akakwanisa kunwisa ka17 chete mwaka wese.

Gore radarika, Dominic Chungwa akanwisawo ka17 zvakare achitambira CAPS UNITED.

Muhurukuro nevamwe varairidzi, vanoti kuti muCastle Premiership munyatsobude mutambi anonwisa ka20 kana kudarika mumwaka mumwe chete zvinogona kuti netsei nekuti vatambi vacho hakuna.

Rodwell Chinyengetere

Joey “Mafero” Antipas anove murairidzi weChicken Inn, iyo yakapedza iri pechitatu palog reCastle Premiership mwaka uno, anoti kufunga kwake ndekwekuti hakusisina vatambi vekumberi vasara vanoziva zvavanoita nekuti kuzvikwata zvevechidiki hakuchabikwe vatambi ava.

Antipas anoti achitarira vatambi vezvikwata zvizhinji, hakuna vatambi vekumberi vakakwana ndiko kusaka vari kutatarika zvikuru vakatarisana negedhi uye vari kutadza kuzunza mambure.

“Kana ndakatarisa vatambi vatinavo variko hakuna vatambi vekumberi chaivo, vese basa iri vari kukundikana, ndiwo maonero angu.

“Kana vachikuta zvavanoita zviye kukuta gedhi zvinorakidza kuti basa iri iguru kwavari uye vari kutatarika.

“Zvoreva kuti maAcademy ari kutadza basa rekubika vatambi vekumberi ndiko kusaka kusina vari kukwanisa kuzunza mambure sezvaiitwa nevatambi vekare. Asi, kunyangwe vakabikwa kuAcademy kwacho vanoda makore akawanda vachishanda nesimba kuti vagokwanisa kupinda muchikwata chevakuru,” anodaro Antipas.

Mashoko ake anotsinhirwa nemurairidzi weNgezi Platinum Stars, Clifton Kadurira, achiti dambudziko ririko nderekuti hakusisina zvirongwa zvejunior policy zvekusimudzira vatambi vechidiki vane matarenda ekunwisa mabhora.

“Hakuna junior policy iya yekare yataiziva yaiveko yekubika vatambi. Ikoko ndiko kunofanirwa kubikwa vatambi vemberi vepamusoro, zvekuti kana vauya kuzvikwata zvemuPremiership vanofanirwa kunge vakatobikwa kare.

“Izvezvi vatambi vanongodhuriswa asi basa vari kukundikana, vamwe vari kutadza kunwisa kana katatu chaiko mumwaka wese,” anodaro Kadurira.

Vamwe vevatambi vakahwinha mubairo weGolden boot makore adarika vanosanganisira Rodreck Mutuma uyo akanwisa ka14 mugore ra2011 apo aitambira Dynamos, Nelson Mazivisa akanwisa ka12 (Shabanie Mine, 2012), Tendai Ndoro ndokunwisa ka18 (Chicken Inn, 2013),  Charles Sibanda akanwisa ka13 (Highlanders, 2014) uye Knox Mutizwa ndokunwisa ka14 (Highlanders, 2015) naLeonard Tsipa uyo akanwisa ka11 mugore ra2016 achitambira CAPS UNITED.

 

Share This:

Sponsored Links