Uncategorized

Kuzvarwa uri munhu kwega hakuna kukwana

17 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa

KUZVARWA uri munhu kwega hakuna kukwana. Unogona kuve nechimiro nematauriro emunhu, asi izvozvo zvega hazvikuite kuti uve munhu.

Munhu haasi chimiro. Munhu haasi kufamba nemakumbo maviri kana kupfeka hembe. Munhu zvinhu zvakawanda.

Munhu wese mwana nyangwe ari amai kana baba, mbuya kana sekuru. Munhu kuti ave munhu zvinobva pakurerwa nekudzidziswa zvisiri zvekuchikoro. Munhu anogona kupasa chikoro asi agoita dofo rehupenyu. Kuti uve munhu hunge wave mwana anoteerera, anocherechedza maitiro nemafungiro akanaka, anoremekedzwa, anofadza, anoyemurwa, anorumbidzwa uye anokurudzirwa.

Munhu anoumbwa mumhuri, zvekuti paanozopinda mumusha, munharaunda nemunyika, anenge achiziva kuti nyika haisi yangu ndega, asi ndeyedu tese. Anoziva kuti ndiripo nekuti vamwe varipowo.

Munhu anove munhu nekuda kwehunhu hunoyemurika. Izvi ndizvo zvinoita kuti mhuri ive chinhu chakakosha. Baba namai vane basa rekurera, kudzidzisa nekudzora.

Munhu anove munhu kana akaziva kuti iye ane basa mumagariro rekutsiura, kubvunza mibvunzo yakakosha uye inovaka.

Vabereki vasingadzidzise kana kutsiura kana kuranga nekudzora vana vavo havasi vanhu pamwechete nevana vavo vasina kurairwa. Vabereki vane nungo, kana kuti vasina nguva yekudzidzisa vana havasi vanhu nekuti kuita vana vausingadzidzise, kurayira nekudzora kuparadza nyika.

Munhu ndiye uye anoti akanzi heyi, anotirimuka. Munhu haangozviraramira hupenyu hwake ega seshizha rinopupuruka.

Munhu asina hunhu anonetsa muhupenyu nekuti zvaanokoshesa hazvibatsire vamwe. Ndizvo zvinoita kuti ngano dzive chinhu chatisingafanire kurasa sevanhu vatema.

Ngano dzinodzidzisa hupenyu. Ngano dzinoratidza mhedzisiro yevanhu vasina hunhu. Mungano, kuba, kunyengedza, kushaya tsitsi nerudo, godo, ruvengo, kupesana, humbimbindoga kana kudya zvevapfupi nekureba hazvipembedzwe. Mungano nherera, vakaremara, chembere neshirikadzi vanokosheswa.

Munhu asina tsitsi nerudo nezvimwe zvinorambwa nengano haabudirire muhupenyu. Tinonzwa ngano dzana vamwene vaive nehutsinye asi vakazoita magumo anorwadza. Chinenge chichivavarirwa nengano kuvaka dzimba, misha, nharaunda nenyika ine vanhu vane hunhu.

TV haivake munhu nekuti nyangwe ichitaura newe kana nevana vako, chokwadi ndechekuti haikuzivei uye haina basa nemi. TV inoda kukusetsai nekukuvaraidzai asi ichibvisa hembe dzehunhu hwedu, ichikupfekedzai dzehumbimbindoga nehumbwa.

TV inopa pfungwa dzinokurudzira kuzvida, kuzvitonga, kuda mari, kusatenda, kurasika nekurasikirwa nemitauro yedu.

Vamwe vangati mitauro yedu ine basa reyi, chikuru kutaura chete. Asi kwete, mutauro wako, kwete wevamwe vanhu unenge dendere reshiri. Shiri inobuda muzai ichipinda mudendere. Mudendere ndimo maichapihwa zvekudya zvinozivikanwa nevabereki vayo kuti isu seshiri inonzi nhengure tinodya izvi neizvo.

Kana shiri yabuda muzai haibva yangoti baba namai ndichambobhururuka ndione kuti nyika yakaita sei. Shiri yabuda muzai inoda nguva yekuziva muririro wayo, inoda kumera minhenga, kukura nekudzidza kubhururuka.

Nesuwo kufanana neshiri yabuda muzai, tinofanira kugara mudendere remutauro wedu, tichidzidza kuti munhu anoumbwa kwete paanenge ari mudumbu ramai asi nyangwe abuda kunze.

Vanhu vane hunhu vari kupera. Vabereki ngatitaure nevana tivadzidzise kuti munhu munhu nevanhu. Mari inopera asi hunhu hwakanaka hunoita kuti nyangwe munhu afa vanhu vati, “tarasikirwa”.

Pauchafa vanhu vachauya here vachiti tiri kuenda kunhamo yemunhu kana kuti vachati, “Mwari vaita zvavo vatibvisira munzwa muhupenyu hwedu?”

Share This:

Sponsored Links