Kwava nemakoronyera eupfu: Mutashu

18 Dec, 2019 - 17:12 0 Views
Kwava nemakoronyera eupfu: Mutashu VaMutashu

Kwayedza

Muchaneta Chimuka naMalven Mugadzikwa

MUTUNGAMIRI wesangano rinomirira vezvitoro, reConfederation of Zimbabwe Retailers (CZR), VaDenford Mutashu, vanoti kudzikiswa kwakaitwa mutengo weupfu zvichitevera kupindira kwakaita Hurumende idanho rakanaka zvikuru kunyangwe kuine vamwe vachiri kuhutengesa nemitengo iri pamusoro pane yakatarwa.

Vanoti kusiyana kwemitengo kuri kukonzerwa nekushomeka kweupfu.

Svondo rapera Hurumende yakatara kuti 10kg yeupfu hweRoller Meal inofanirwa kutengeswa ne$50 apo 20kg ichiita $100.

Upfu uhwu husati hwaderedzwa mitengo, hwanga hwava kubvira pa$99 kusvika pa$127 pa10kg izvo zvanga zvoomera vazhinji.

Zvisinei, VaMutashu vanoti pane zvakawanda zvinoda kuongororwa nekugadziriswa panyaya yekutengeswa kweupfu nekuti zvimwe zvitoro nevanhu vakazvimirira vari kutengesa nemitengo yavowo.

“Makoronyera nevakazvimirira pakutengesa vakuvadza veruzhinji. Kudzikiswa kweupfu kunobatsira zvakanyanya kunyanya kumutengi tichitarisa kuti tatarisana nezororo reKirisimasi.

“Zvisinei upfu uhu huri kupedzisira hwotengeswa nevamwe nemutengo wepamusoro. Dambudziko nderekuti chibage chekugaya upfu chiri kupihwa vanogaya chichiri chishoma zvoita kuti upfu hutadze kutekeshera nyika yose. Makoronyera nevanoita zvekutengesa vanobva vatenga hwakawanda muzvitoro mahwakachipa votengesa nemutengo wepamusoro,” vanodaro VaMutashu.

Vanoti chibage chekugaya upfu chikapihwa vanogaya upfu vashoma zvinopedzisira zvava kurema kuti hukwane muzvitoro nyika yose uye hwakachipa.

“Kune mavhendawo vasingaende kumabasa vari kuteedza zvitoro zvinenge zvawana upfu votenga hwose vachiita kamwe kamwe zuva rose. Izvi zvinoita kuti vanozobva kumabasa vachida kutenga vanowana muzvitoro musisina, vomanikidzwa kutenga kune vanotengesa panze vanenge vava kudhura,” vanodaro.

VaMutashu vanoti vanogaya upfu vari kugaya hushoma nekuti vari kuwanawo chibage chishoma.

“Ndosaka tichiti upfumi hwenyika hunofanira kugadziriswa kuti mitengo imire zvakanaka, vanhu vasangofunga kuisa mitengo yavada chero nguva kunyanya vanotengesa vakazvimiririra,” vanodaro.

Pari zvino makambani ari kupa upfu kuzvitoro anosanganisira National Foods, Blue Ribbon , Probrands neDavipel

Zvichakadai, nemusi weChitatu chino, Kwayedza yakatendera muzvitoro zvinosanganisira OK, TM Pick n’ Pay neMahommed Mussa muguta reHarare ndokuona kuti upfu hwakaderedzwa mitengo neHurumende hausi kuwanikwa nyore uye vezvimwe zvitoro vari kuhutengesa nemari yepamusoro peyakatarwa.

Veruzhinji vari kungochema kuti kudai upfu uhwu hwangowanda muzvitoro sezvakangoita mafuta neshuga zvekuti makoronyera anoshaya wekuhutengesera.

Share This:

Sponsored Links