Kwava nematanho matsva eCovid-19

17 Dec, 2020 - 11:12 0 Views
Kwava nematanho matsva eCovid-19 Senator Mutsvangwa

Kwayedza

Tandayi Motsi 

SANGANO rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisarion (WHO) rakatara matanho matsva ekubatsira nyika kuti dzikwanise kusimbaradza zvirongwa zvekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

WHO yakaisawo Zimbabwe, pakati pedzimwe nyika, pachikero cheCategory CT2 icho chine nyika dzine vanhu vari kuwanikwa vaine denda iri zviri pakati nepakati.

Vachitaura kuvatori venhau nemusi weChipiri mushure memusangano wedare reCabinet muguta reHarare, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro — Senator Monica Mutsvangwa — vanoti zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachikoshesa kutevedzera matanho akatarwa mukurwisa Covid-19 sezvo chirwere ichi chichiriko.

“Nyika inoziviswa kuti World Health Organisation yakaburitsa matanho matsva ekubatsira nyika kurwisa Covid-19. Zimbabwe yakaiswa pachikero cheLevel CT2 chinova chine nyika dzine nyaya dzevanhu vari kubatwa vaine chirwere ichi zviri pakati nepakati. Nyika dzine vanhu vakawanda vari kuwanikwa vaine Covid-19 dziri pachikero cheCT4,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vanoenderera mberi vachiti, “Kune nyika dziri paLevel 3 seZimbabwe, WHO inokurudzira zvinotevera: veruzhinji vanokurudzirwa kuti vakoshese hutsanana kuburikidza nekugeza mawoko (nemvura ine sipo), kuzvitsaura kubva kune vamwe kana vachirwara, kugara vakapfeka mamasiki panzvimbo dzakakodzera, kusaita chitsoko-tsoko uye nekusaenda munzvimbo dzinoungana vanhu.

“Zvikoro zvepuraimari nesekondari zvinofanirwa kuramba zvakavhurwa asi pachitorwa matanho akasimba ekudzivirira Covid-19. 

“Kuzvikoro zvepamusoro, panofanirwa kuve nekurudziro yekuti vadzidzi vafunde padandemutande uye nekuona kuti nyaya dzemitambo nemamwe makungano haana njodzi here yekukonzera kupararira kweCovid-19.”

Sen Mutsvangwa vanoti Cabinet inogutsikana kuti kuZimbabwe yagara ichitevedzera matanho akatarwa neWHO aya uye icharamba ichiasimbaradza panguva iyo veruzhinji vari kukurudzirwa kuti vaatevedzere zvizere.

“Cabinet inosimbisisa kuti vose vari kudzoka kubva kunze kwenyika vanofanirwa kuve nemagwaro anoratidza kuti havana Covid-19 ayo vanosungirwa kutora mukati memaawa 48 vasati vasimuka kubva kunze uye magwaro aya anofanirwa kutorwa kumalaboratory anocherechedzwa neWHO,” vanodaro.

Sen Mutsvangwa vanoti zvakakoshawo kuti masangano enhau arambe achiburitsa nyaya dziri pamusoro peCovid-19 sezvo dzichibatsira zvakanyanya mukupa dzidziso kune veruzhinji.

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, Zimbabwe yange yava nevanhu 11 522 vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 mushure mekunge vavhenekwa.

Pavarwere ava, 9 599 vakatopona asi vamwe 310 vakafa.

Share This:

Sponsored Links