Kwekwe ‘lockdown’ yorumbidzwa

27 May, 2021 - 13:05 0 Views
Kwekwe ‘lockdown’ yorumbidzwa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VERUZHINJI vari kurumbidza Hurumende nedanho rayakatora svondo rapera rekuti vagari vekuKwekwe vambomira kufamba vachienda kune dzimwe nzvimbo (lockdown) zvichitevera kunyuka kwemhando itsva yechirwere cheCovid-19 kunzvimbo iyi, iyo yakatangira kunyika yeIndia.

Hurumende svondo rapera yakazivisa kuti nzvimbo yeKwekwe ichange iri palockdown kwemasvondo maviri zvichitevera kunyuka kwemhando itsva yedenda iri inodaidzwa kuti variant B.1.617.
Kwayedza inoita hurukuro neveruzhinji avo vanoti danho iri rakakosha zvikuru sezvo richiita kuti mhando yeCovid-19 iyi isapararire nenyika sezvo zvichigona kuzopedzesira zvonzi Zimbabwe yose yave palockdown.

Muimbi wemusambo weSungura ari kusimukira wekuDomboshava, Dennis Nyakudya, anoti lockdown chiwororo uye inorwadza asi ichibatsira.
“Tiri kungonamata kuti kudai chirwere cheCovid-19 chapfuura, kunyanya mhando itsva iyo yava muno yakabva nekunyika yeIndia. Tinoshuvira kuti kudai yangogumira kuKwekwe ikoko.
“Zvekare, izvi hazvizongogumiri mukufa kwevanhu chete, asi vanotomboenda kunogara kudzimba kureva kuti mikana yekuita twumabasa twedu twemaoko twunoraramisa mhuri inoderera sesu vaimbi, kutodzokera pazero,” anodaro.
Mai Jaiden Takura vekuChitungwiza vanoti ivo munhu ari mubasa rekuhodha nekutengesa, nekudaro kuuya kweimwe lockdown ironda guru mumwoyo mavo.

“Lockdown imwe hatichaida saka tinotenda Hurumende nekuona kuti vagari vekuKwekwe vambomira kupinda mune dzimwe nzvimbo nekuti mikana mizhinji yekuti vanhu vakauya nacho vanogona kunge vakafamba kwakasiyana vasati vaziva kuti vane utachiona uhwu.

“Ini ndinoenda kunohodha marasha kunyika yeMozambique saka lockdown inotishungurudza zvikuru kana nyaya dzekushanya kune dzimwe nyika dzichinge dzavhariswa sezvakamboitika kumashure,” vanodaro.

Mbuya Martha Reid, avo vanova murapi wechivanhu, vanoti havachamboda kunzwa chinonzi lockdown sezvo vachirarama nekutengesa.

“Ini ndinotengesa mishonga yechivanhu pamusika wepaMakoni saka lockdown hatichaida. Munguva yelockdown yekutanga iya takarwadziwa zvikuru kugara mumba kunge muzvere apa nzara ndipo payaisunga zvakasimba.

“Kumusika hakwaiendeka, ndiko kusaka ndichiona zvakakosha kuti titevedze zvinodiwa neveutano sekupfeka mamasiki, kuregedza kuungana, kubaiwa majekiseni ekudzivirira nekugeza maoko nesipo nguva nenguva. Covid-19 inouraya mabhizimusi ose,” vanodaro.

Mbuya Simbisai Magora vanova murapi wechivanhu zvekare vanosimbaradza nyaya yekubaiwa majekiseni.

“Kubaiwa majekiseni ndiwo mumwe musimboti wekupedza dambudziko iri. Lockdown yaikapa zvikuru nekuti kunyangwe mbavha dzinowanda,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links