Abel Ndooka
CHIKWATA chenyika checricket – Zimbabwe Women (Lady Chevrons) – chiri kuWindoek uko chiri kubandana necheNamibia necheUnited Arab Emirates mumitambo yeCapricorn Eagles Women Tri-series.
Chikwata chemaLady Chevrons ichi chine musanganiswa wevatambi vane mukurumbira vagara vachitambira nyika kozoita vatambi vari kusimukira vapfumbabwe avo vanotambira muchikwata cheUnder-19 avo vari kugadzirira kuzonotamba mutambo weInternational Cricket Council (ICC) Under-19 Women’s T20 World Cup Division One Qualifier uyo uchazotambwa kupera kwemwedzi uno.
Achitaura pachinyorwa chakabva kuZambabwe Cricket, convener of selectors – Julia Chibhabha – anoti vakazviona zvakakodzera kushevedza vatambi vechidiki veUnder-19 kuti vapinde muchikwata chevakuru sezvo zvichavabatsira apo vakatarisana nemutambo wekuzorwira kuenda kuWorld Cup.
“Kusarudzwa kwavo kwakauya nekuda kwezvinhu zviviri, chekutanga kuvaka takatarisana negadziriro dzemutambo weUnder-19 uye kudzidziswa nekuratidzwa gwara chairo remutambo uyu.
“Zvakakosha kuti tisimudze vatambi veUnder-19 takatarisana nemutambo weWorld Cup.
“Tine vatambi vakaita saChipo Mugeri-Tiripano uyu ane hunyanzvi hukuru hwemutambo uyu, saka tinovimba vechidiki vachadzidza zvakawanda kubva kwaari,” anodaro Chibhabha.
Pavatambi vapfumbamwe ava vari muchikwata chiri kuNamibia, vana vacho vanoti Kelis Ndlovu, Beloved Biza, Kudzai Chigora naChristina Mutasa vaive muchikwata cheZimbabwe A Women icho chakahwina sirivha kumutambo weKwibuka Women’s T20 tournament uyo wakatambirwa kuRwanda kutanga kwegore rino.
Chiyedza Dhururu ndiye akasarudzwa kuve keputeni wechikwata chemaLady Chevrons icho chiri kukwikwidza kuNamibia uye kusarudzwa kwake kwakauya nekuda kwruzivo rwake rwaanaro mumutambo uyu.
Achitaura, Chibhabha anoti, “Dhururu ndiye mutungamiri watakasarudza sezvaakaita kumutambo weKwibuka nekuti akabatsira vatambi veUnder-19 zvikuru kumutambo uyu. Achivasimudzira nekuvaka achivasimudza morari yavo,” akadaro.
Mitambo yemaLady Chevrons nemaCapricorn Eagles eNamibia neUAE iri kutambirwa kuWanderers Cricket Ground, kuWindoek.