Lameck uye atanga futi!

24 Jan, 2023 - 17:01 0 Views
Lameck uye atanga futi! Lameck Chimoka Makwiramiti achirikita Josphat Tafirenyika nebhandi

Kwayedza

Arron Nyamayaro

MURUME anogara kuMabvuku, muHarare – uyo akamboita mbiri padandemutande reSocial Media mushure mekutaura zvakaipa parufu rwemumwe mudzimai – azviita zvakare.

Lameck Chimoka Makwiramiti akaita mukurumbira muna2017 apo pakabuda kavhidhiyo kake akamira paguva paivigwa munhu achiudza vanhu vaiva parufu kuti mukadzi wavaichema akanga achiita mabasa akaipa.

Mukavhidhiyo aka, Makwiramiti anoti Mai Tumba (mudzimai aivigwa) vakatadzira mhuri yake mushure mekunge mwana wavo amitisa mwanasikana wake akamuramba.

Izvi zvakaita kuti vanhu vakakavadzane padandemutande apo vakawanda vaiti Makwiramiti akaita hushingi husina vazhinji hwekutaura zvakashata pamusoro pemunhu anenge afa sezvo vakawanda vachiti kana munhu afa anenge anaka, zvisinei nezvaakaita achiri mupenyu.

Zvisinei, nyaya yake itsva apo shamwari yake, Augustine Kariwo, ari kumutora vhidhiyo achirova muvakidzani wake ane makore 55 okuberekwa, Josphat Tafirenyika, yakwidza hasha dzevazhinji.

Tafirenyika akamhan’ara nyaya iyi ine nhamba dzinoti IR59/01/23 paMabvuku Police Station.

Tafirenyika anoti Lameck ava kunakidzwa nekubuda padandemutande zvave kuita kuti aite zvinhu zvisina basa achida kuti zvionekwe neveruzhinji.

“Lameck ava kukonzeresa munharaunda medu nenyaya yekuda kuona vanhu vakawanda paSocial Media vanoona zvinhu zvake.

“Hazvina kunaka kuti munhu anodaidza shamwari kuti imutore vhidhiyo achirova munhu kuti aone kuisa vhidhiyo racho paSocial Media. Akauya kwandiri kuti ndimubatsire kuva chapupu pakutorwa kwegwaro rekuzvarwa remwana wake,” anodaro Tafirenyika.

“Akandibhadhara kuti ndimuitire izvi vakabva vanonoka kuenda kumahofisi ekuRegistry ndokubva andirovera izvozvo, zvinoitawo here izvozvo? Apo shamwari yake yaitora mavhidhiyo,” anodaro Tafirenyika.

Pavhidhiyo iri, iro riri kutenderera padandemutande, Lameck anorova Josphat nembama, ozomurova nebhande achimupa mhosva yekuti akatsotsa mwana wake, achiti amudzosere mari yake.

Lameck haana kukwanisa kubatika kuti apewo divi rake panyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links