‘Landlady’ akatizira roja rake

08 Mar, 2023 - 18:03 0 Views
‘Landlady’ akatizira roja rake Dare

Kwayedza

Melody Vherenaisi

RUDO rwaibhebha semoto wesora pakati pemudzimai wekwaMutare nemurume airoja pamba pake rwakapera mushure mekunge murume uyu amusiya ndokutsvaga imwe shamwarikadzi kuPenhalonga.

Tobias Rupinda anoti ari kuda jenareta rake nebhokisi rematurusi izvo zvakasara kumba kwaRumbidzai Mapira.

Mapira akadhonzera Rupinda kudare achiti ari kumushungurudza nekumushaisa rugare.

Mutongi wedare reMutare Magistrate Court, VaXavier Chipato, vakapa Mapira gwaro rerunyararo.

Mapira anoti akapotera kumatare edzimhosva nekuti Rupinda ari kumushaisa rugare achiti anoda jenareta raanoti nderake.

Anoti zvakare Rupinda ari kunyepa kuti akasiya bhokisi rematurusi muimba yaairoja pamba pake.

“Akauya kumba kwangu achida jenareta, asi takaritenga tose tichiri kudanana. Haanawo kusiya bhokisi rematurusi ake, akangosiya mbatya dzake chete. Ari kusvibisa zita rangu munharaunda achiti ndiri mukadzi anokara.

“Paakaenda kuPenhalonga, ndakamutevera ndikawana achigara nemumwe mukadzi. Pandakabvunza mudzimai uyu kuti Rupinda aripi, mukadzi uyu akandirova,” anodaro Mapira.

Rupinda anoti akatanga kugara naMapira mugore ra2017 apo akange amuudza kuti ane imba yekuroja.

“Ndakatanga kushandisa imba iyi muna2017 pasina dambudziko. Taingove tiri vaviri pamba apa. Rimwe zuva ndichibva kubasa ndakaona kuti hembe dzangu dzakanga dzawachwa nalandlady vangu.

‘‘Ndakanga ndasiya ndadzinyika asi ndikazoshamisika kuona dzawachwa.

“Sezvisina kukwana, Mapira akanditi ndishandise chitofu chake chegasi muimba yekubikira kubika chikafu changu. Mushure memavhiki mashoma, akandiudza kuti aitya kurara oga mubhedhurumu make uye akatanga kurara mukamuri mangu. Izvi zvakaitika kwemakore mashanu, asi taisadanana,” anodaro Rupinda.

Anoti akazozviona kuti aiva mudiki kuna Mapira, uyo ane makore 50 okuberekwa, achibva afunga kutsvaga mukadzi wezera rake wekuroora.

Kunyange hazvo VaChipato vakapa Mapira gwaro rerunyararo, vakamuti ape Rupinda bhokisi rake rematurusi.

Pajenareta, vakanzi vatengese uye vagovane mari yacho.

Share This:

Sponsored Links