Uncategorized

‘Level 2 lockdown Ngaitevedzerwe’

21 Nov, 2021 - 10:11 0 Views
‘Level 2 lockdown Ngaitevedzerwe’ Dr Mangwiro

Kwayedza

Tandayi Motsi

MUTEVEDZERI wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr John Mangwiro, vanoti matanho akaiswa neHurumende ekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 pasi peLevel 2 lockdown – ayo anosanganisira kuti makungano akadai seemachechi anofanirwa kupindwa nevanhu vakabaiwa nhomba chete – achiripo uye anofanirwa kutevedzerwa zvizere.

Vakataura mashoko aya mudare reSenate svondo rapera apo vaipindura mubvunzo waSenator Violet Moeketsi (N/A).

Sen Moeketsi vaida kuziva kana vanhu vasina kubaiwa majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19 vave kutenderwa kuenda kumachechi.

“Tinonzwa kuti vanhu vakabaiwa nhomba nevasina kubaiwa pari zvino vave kutenderwa kumachechi. Nguva yadarika, takaudzwa kuti vakabaiwa chete ndivo vanotenderwa asi iye zvino vanhu vose vave kungosangana, vakabaiwa nhomba nevasina. Munoti kudii nenyaya iyi? Izvi zvinoita kuti tive nemubvunzo wekuti akabaiwa ndiani neasina. Ichokwdai here kuti vanamati vakabaiwa nevasina vanokwanisa kupinda chechi pamwe chete?” vanodaro.

Dr Mangwiro vanoti Hurumende yakawedzera matanho ekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 pasi peLevel 2 lockdown nemamwe masvondo maviri zvichireva kuti hapana chasanduka panyaya yematanho agara aripo ekurwisa denda iri.

“Zuva radarika (Chipiri svondo rapera), mutungamiriri wenyika His Excellency, Dr. E. D. Mnangagwa vakati lockdown yawedzerwa nemamwe masvondo maviri. Handina kuvanzwa vachiti vanhu vanoenda kuchechi vanokwanisa kusangana zvisinei kuti vakabaiwa nhomba here kana kuti kwete. Pari zvino, tiri kukurudzira vanhu vakabaiwa kuti vaende nekuti mukatarisa matanho eLevel 2 lockdown, hapana chasanduka. Saka tinofanirwa kungwarira vamwe vanhu vanonyora zvinhu nekuti dzimwe nguva vanongonyora zvemanyepo vachida kukonzera kusagadzikana muvanhu. Tinofanirwa kungwarira zvikuru uye kuziva chaizvo zvinenge zvichitaurwa pamusoro pazvo,” vanodaro Dr Mangwiro.

Pasi peLevel 2 lockdown, vemabhizimisi vanovhara na7 manheru apo veruzhinji vasingatenderwe kufamba-famba zvisina tsarukano (curfew) kubva na10 manheru kusvika na5:30 mangwanani.

Zimbabwe yakwanisa kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 nekuda kwematanho akasimba ari kutorwa neHurumende.

Zvisinei, nguva yezororo reKirisimasi gore rapera yakaona kunyuka kwedenda iri kechipiri (second wave) apo veruzhinji vakange vavarairwa pamusoro penyaya yekutevedzera matanho ekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Izvi zvakaita kuti nyika ino iende padanho reLevel 4 lockdown nechinangwa chekurwisa denda iri.

Sezvo nguva yezororo reKirisimasi yaswedera zvakare, Hurumende iri kutora matanho akasimba ekudzivirira kunyuka kwechirwere cheCovid-19 sezvaitika muna2020.

Share This:

Sponsored Links