Levels naShashl vaita ma’talks’

08 Dec, 2022 - 07:12 0 Views
Levels naShashl vaita ma’talks’ Shashl nemonya vachisvika kudare

Kwayedza

Arron Nyamayaro

MUBIKI wemimhanzi weChillspot Records, Tafadzwa ‘Levels’ Kadzimwe, nezuro akatora mukana wekumbotaura neaimbove mudiwa wake Shashl uyo ari kumupomera mhosva yekumubata chibharo vasati vapinda mudare redzimhosva.

Levels akakumbira mupurisa ari kuferefeta nyaya yake kuti ambomusunungura zvishoma, ndokuita hurukuro naShashl (Ashley Moyo) kweawa rimwe chete.

Hurukuro iyi yaitirwa pasi pemuti wemumango pakamba yemapurisa ekuBorrowdale, muHarare.

Shamwari yaLevels yepedyo, DJ Fantan, nechikwata chavo vaiongorora hurukuro iyi vari chinhambwe.

Vakange vaunzira Levels chikafu, uyo akasungwa musi weMuvhuro.

Kuti kwaive kuri kutsanya kana kushaya hanya nechikafu, Levels akabva kukamba yemapurisa asina kudya chikafu chaakatengerwa achienda kudare.

Levels naDJ Fantan vachisvika kudare

“Ndinoda kufunga H-Metro ikambani, asi nzira yamuri kutevera nayo nyaya yangu zvinokanganisa,” anodaro Levels mushure mekuona munyori uno.

“Kana zvichibvira dzikisai chikero chenyu (chekuburitsa nhau), ndapota”.

Shashl akaitawo hurukuro neimwe hama yake zvichitevera nhaurirano yaakaita naLevels apo vaviri ava vakazoona mupurisa ari kuferefeta nyaya yavo.

Levels, Shashl naDJ Fantana vakateverwa nevanhu vakawanda, kusanganisira mapurisa pakamba yemapurisa paBorrowdale Police Station.

Ndipo pakamhan’arwa nyaya yekubatwa chibharwa kwaShashl.

Share This:

Sponsored Links