
Abel Ndooka
NEVSUN Premier Pool League yakatanga chirongwa chekusimudzira raramo yevana vanobva kumhuri dzinotambura pamwe nekurwisa kutorwa kwezvinodhaka izvo zviri kukanganisa vechidiki vakawanda.
Kuburikidza nechirongwa ichi, svondo radarika hutungamiriri hweNevsun Premier Pool League hwakaunganidza mari nezvipfeko zvakasiyana izvo zvakapihwa kumusha unochengeta nherera weKudakwashe Children’s Home kuStoneridge, muguta reHarare.
Kudakwashe Children’s Home yakavambwa naRachel Ziki.
Achitaura pachiitiko ichi, sachigaro weNevsun Premier Pool League – Benjamin Funani – anoti vakaona zvakakosha kubatsira vana vanotambura vachishandisa snooker nekurwisa kutorwa kwezvinodhaka nevechidiki.
“Hatisi tese tinowana muhupenyu hwedu naizvozvo tinofanirwa kurangarira hama dzedu dzinoshaya dzinogara munzvimbo dzakasiyana umo dzinochengetwa.
“Kune vana vakawanda nherera dziri kuchengetwa mumisha yakasiyana nehama dzine mwoyo werudo, saka tinofanirwa kuvarangarira tichivabatsirawo kuti basa ravari kuita rekuchengeta nherera idzi nevana vakaremara rive nyore.
“Isu seNevsun Premier Pool League, takazvipira kubatsira zvekare tichirwisa kutorwa kwezvinodhaka zvakaita semutoriro, mbanje, crystal merth nebronco izvo zvinokanganisa muviri.
“Tinoda kuti vechidiki vedu vararame hupenyu hwakachena husingakanganiswe nezvinodhaka uye vazive kuti zvinodhaka hapana zvazvinovabatsira muhupenyu hwavo kunze kwekungouraya remangwana ravo chete,” anodaro Funani.
Achitaura pachiitiko chimwechete ichi, Moreblessing Penelope Moyo anove event coordinator kuNevsun Premier Pool League — uyo anonyanya kuzivikanwa saPinky Bellashine – anoti zvakakosha kudzorera kunharaunda dzavanoitira mitambo.
“Chirongwa hedu chiri kuenderera mberi svondo rino, tiri kuenda kuKudakwashe Children’s Home uko tichanopa zvipo zvakasiyana zviri kubva kune dzimwe nhengo dzedu dzisina kukunda kuuya svondo radarika.
“Seligi resnooker, tiri kushevedza vatambi vese kuti huyai tibate basa iri tose tigobatsira vana vedu vasina chavainacho vanochengetwa mumisha yenherera yakasiyana,” anodaro Pinky Bellashine.