Ligi ropinda mugiya dzvuku!

07 Aug, 2014 - 14:08 0 Views
Ligi ropinda mugiya dzvuku! KELVIN Kaindu

Kwayedza

KELVIN Kaindu

KELVIN Kaindu

Abel Ndooka
LIGI reCastle Lager riri kupinda mugiya dzvuku svondo rino apo zvikwata zvizhinji zvichange zvichirwira kuenda pamusoro ukuwo nekune rimwe divi zvimwe zvichitamba zvekudambuka makumbo segurwe kuti zvisabude muligi iri kuenda kuDivision One gore rinotevera. Parizvino zvikwata zvinoti Highlanders, ZPC Kariba, Dynamos pamwe neCAPS United zviri kufemerana mugotsi.

Pamitambo 17 yemuligi yatambwa kusvika parizvino, Bosso ndiyo iri pamusoro iine zvibodzwa 32 ichiteverwa neZPC Kariba iyo ine zvibodzwa 31 izvo zvakaenzana nezveDynamos asi iri pamusoro peDeMbare nekuda kwehuwandu hwemabhora akanwiswa. Kepe-kepe kana kuti Shaisa Mufaro ndiyo yakagara pechina muligi iine zvibodzwa 30 kubva pamitambo 17 yayatamba.

Zvakadaro, Chiredzi FC ndiyo yakasenga ligi iri apo iine zvibodzwa 10 chete kubva pamitambo 17 uye pamusoro payo pane Bantu Rovers iyo ine zvibodzwa 15.

Pamusoro peBantu Rovers pane Harare City iyo ine zvibodzwa 18 kwozouya Black Rhinos ine zvibodzwa 19.
Zvikwata zvina izvi zvinofanirwa kukwiridzira masokisi azvo mumitambo yasara kana zvichida kuramba zviri muligi rePSL gore rinotevera nekuti mazuva azvo akatarwa pasi.

Muongororo yakaitwa neKwayedza svondo rino zvakaonekwa kuti gore radarika muligi mushure mekunge patambwa mitambo 18, Harare City ndiyo yaitungamira ine zvibodzwa 37 ichiteverwa neHighlanders iyo yaive ne34, DeMbare yakagara pechitatu iine 32 yakaenzana neKepe-kepe iyo yaive ne32 zvekare.

DeMbare ndiyo yakazosimudza mukombe wePSL uyu izvo zvakakatyamadza vazhinji nekuti Harare City yainge yakaubata nerumwe ruwoko asi yakaubvutirwa musi wekupedzisira.

Svondo radarika, Harare City yakadzinga Bigboy Mawiwi pachigaro chinopisa chemurairidzi zvichitevera kusatamba zvinogutsa kuri kuita chikwata ichi.

Sunshine City yakakundikana kuhwina mitambo yayo yese yasara iri kunanga kuDivision One mwaka unotevera.
Gore radarika, ZPC Kariba yaitambira nhabvu yayo muDivison One asi parizvino yauya nemoto nekuti iri kufemera mugotsi meHighlanders muligi iri.

Zvakadaro, nguva pfupi yadarika, murairidzi weHighlanders – Kelvin Kaindu – akati haadi kuremedza chikwata chake saka mitambo yavo yese vachaikoshesa sekuuya kwayo kusvika panopera ligi. Anoti haana basa nekutarira mitambo iri kure asi anokoshesa mutambo wakatarisana nechikwata chake panguva iyoyo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>