Uncategorized

‘List’ revakaromba kwaNdunge

26 Apr, 2019 - 00:04 0 Views
‘List’ revakaromba kwaNdunge

Kwayedza

‘Vamwe vari kudzora zvavakapihwa’  

Kingstone Mapupu
VANHU vane mukurumbira mune zvakasiyana vemuZimbabwe nevekunze — maporofita, n’anga, vaimbi, vane mabhizimisi, vatambi venhabvu, vanoita zvematongerwo enyika nevanochinja mari “money changers” — vamwe vevanonzi vakanoromba ndokupihwa zvavaida kun’anga Sekuru Charles Makhuyana Ndunge yekuChipinge.

Sekuru Ndunge vakashaya nguva pfupi yadarika vari pamusha pavo kuSouth Downs, kuChipinge, mushure mekurwara nedenda reshuga uye vanga vaine mukurumbira wekushandira vanhu vakasiyana — kusanganisira vanoda kuromba.

Mwanakomana waSekuru Ndunge, Jabulani Ndunge (44), anoti mhuri yavo ine gwaro (list) rine mazita evanhu vose vakanoshandirwa nababa vake.

Sekuru Ndunge — avo vakashaika masvondo matatu akadarika vave nemakore 87 okuberekwa — vaiva nemukurumbira wekushandira vanhu pasi rose nemishonga yakanaka zvose neyakashata.

Jabulani — uyo atove kunzi “sekuru” — anotsinhira kuti vane mabhuku emazita nenharembozha dzevanhu vaibatsirwa nababa vavo.

“Panyaya yekuti tine mabhuku ane mazita evanhu vaishandirwa nababa vangu hapana chekuvanza nekuti kana muzvipatara mabhuku akadaro arimo. Ndizvowo nesu zvatinoita.

“Maporofita mazhinji ane mukurumbira aya, vaiuya vachibatsirwa pane zvavaida vokumbira. Zvavaikumbira ndizvo zvavaipihwa. Idzo dzimwe n’anga dzine mbiri dzamunonzwa, dzaiuyawo dzichisimbiswa. Matimu ebhora nevatambi vacho vaitishanyira kuno nevemabhizimisi akaita seekutengesa motokari nevanochinja mari zvose,” anodaro Jabulani uyo anoti nguva zhinji baba vake vaishandira vanhu iye aripo.

Anoti maporofita echipositori nevakuru vemamwe machechi vose vainosimbiswa kwaNdunge.

“Baba vangu vaiva nemakasitoma aidarika mamiriyoni gumi pasi rino rose. Zvino ipapo pangashaikwawo mazita makuru sevakuru muhurumende, vanoita zvematongerwo enyika kana vamwe vane mukurumbira? Ivavo ndivo vakatowanda pamazita atinawo.

“Asi semutemo webasa, handikwanise kuti ndikupei mabhuku aya kana mazita acho kuti muzvionere nekuti munogona kusangana nezita ramukoma kana rababa venyu.

“Mabhuku aya anogara akakiirwa mubriefcase yakasiiwa nababa.”

Jabulani anoti munhu wose akadarika nekwaSekuru Ndunge achibatsirwa, zita rake raitonyorwa pasi nekwaabva nezvaabatsirwa nazvo uyewo nemhiko dzavaipihwa zvose nemuripo wacho.

“Handizive imi (veKwayedza) mungaende kuchipatara kana kukiriniki here mukakwanisa kunopihwa mazita evanhu vanorapwa ipapo uyewo nezvirwere zvacho? Saka nesu zvimwe chete, hatikwanise kukuzivisai mazita aya nekuti tiripo pakuchengetedza zvakavanzika zvevarwere vedu. Asi zivai kuti mazita tinawo,” anodaro.

Jabulani anoti kunyangwe maporofita aiuya kuna Sekuru Ndunge achitsvaga kuzvisimbisa mumabasa ravo, hapana mhosva yavainayo nekuti mishonga yaishandiswa nababa vake yaibva kuna Mwari mumwe chete ane masimba anoshandiswa nemaporofita aya mukunamata nekuporesa vanhu.

“Kunyangwe maporofita ane mukurumbira wakanyanyisa vekune dzimwe nyika vaiuya vachiona baba vachibatsirwa pane zvavaida. Kana vaida kuromba, ndizvozvo zvavaiwana.”

Anoti nekuda kwekunyara uye kutya kuonekwa neveruzhinji, vanhu vane mazita makuru vanonzi vaienda kun’anga iyi husiku kana rungwanani.

“Baba vangu Sekuru Ndunge vaibatsira vanhu mune zvose sezvandambotaura kuti munhu aipihwa zvaaikumbira, kana kurombeswa. Asi vanhu vaibva vaudzwa matambudziko ayo vaizosangana nawo pashure,” anodaro.

Panyaya yekuti kune vanhu vari kumhanya kunodzosera mishonga nezvinhu zvavakatora kuna baba vake, Jabulani anotsinhira achiti ichokwadi.

“Vari kuuya vanhu nezvichemo tichivabatsira, vamwe vacho tiri kutovasimbisa pamishonga yavakapihwa kare iyi nekuti ini wacho ndini ndakasiirwa mishonga yose yababa nemakona nehakata dzavo. Kune makasitoma edu vanoziva vachindiona ndiina baba nguva dzose kwemakore anodarika makumi maviri.”

Asi Jabulani anoti mamwe mashoko ari kutaurwa pamusoro pevanhu vari kudzosa mishonga yavakapihwa naSekuru Ndunge haasi echokwadi.

“Kune mamwe mashoko ekuti mumakomo kuno kuChipinge kuSouth Down kwazara nyoka, mapere nemasaga azere mishonga zviri kuraswa uyewo zvidhoma zvava kungomberereka zvaraswa nevaridzi. Idzo  inhema,” anodaro.

Jabulani Ndunge

Jabulani anoti mazuva mashoma pakazoitika mvura yedutumupengo yeCyclone Idai apo baba vake vakazongoita masvondo maviri vachibva vashaika, vakamushevedza vachimuti vaifanirwa kubata hove hombe yaiva mumba mavo iyo vakati yaizokonzera kuparara kwenyika nemvura izvo anoti haana kuzvinzwisisa.

“Vakandishevedza mumba mavo vakanditi, hona hove hombe iyo mukasaibata zvakanaka ndaona yazokonzera mvura yakawandisa ichaparadza nyika. Ini ndakatadza kuzvinzwisisa uyewo hove yacho handina kuiona. Kureva kuti Sekuru Ndunge vaidudzira kuuya kwemvura iyi nekuti vaiva nemashavi enjuzu aifambidzana nemadziva nenyanza,” anodaro.

Zvichakadai, Jabulani anoti basa rekurapa riri kufambira mberi richiitwa naiye nehanzvadzi yake, Nyerai Ndunge, sezvo vose vari n’anga zvichibva kumashavi edzinza ravo.

“Vanhu ngavauye zvavo tichibatsirana, ini ndatora nyanga dzamudhara avo hanzvadzi yangu agara achirapa nemashavi ekwedu. Ndine vamwe vakoma vekudzinza rekwaNdunge vari kuMozambique vagara vachirapa vari ikoko. Saka chipo chehun’anga nekubatsira vanhu chagara chiri mumhuri yekwaNdunge,” anodaro.

Nguva pfupi yadarika, muimbi ane mukurumbira munyika muno — Suluman Chimbetu — akaburitsa kambo katsva ako ari kukurudzira kuti vose vakatora mishonga kuna Sekuru Ndunge vaidzosere zvichitevera kufa kwakaita n’anga iyi.

Mamwe mazwi ari mukarwiyo kaSuluman aka anoti, “Akatora chinhu kwaNdunge ngadzosere, chingave chaunga chero chikwambo enda unosiya ikoko, Ndunge akaenda dzorera, chero tsono dzorera, zvinozokunetsa mangwana, Ndunge akafa, zvakatopera.”

Share This:

Sponsored Links