‘Lochinvar Primary madadisa’

16 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
‘Lochinvar Primary madadisa’ Vamwe vevana vepaLochinvar Primary

Kwayedza

lven Mugadzikwa

CHIKORO cheLochinvar Primary School, icho chiri muHarare, chiri kurumbidzwa zvikuru munyaya dzekupakurira vana dzidzo yemhando yepamusoro uye nekubura shasha mune zvemitambo.

Rumbidzo iyi yakaitwa nemusi weChitatu chino naDistrict Schools Inspector wedunhu reHigh Glen, VaJoseph Kabasa, avo vaiva muenzi anoremekedzwa pagungano rekupihwa mibairo kuvana vepachikoro ichi avo vakabudirira muzvidzidzo zvakasiyana.

Vana vechikoro vachitamba mitambo yechinyakare

“Kuungana kwataita pano vana vechikoro, vabereki nevadzidzisi mucherechedzo wehunyanzvi hwevana vedu mune zvakasiyana zvinosanganisira kugona muchikoro, zvemutambo netsika nemagariro. Iyi ndeimwe nzira yekupa vana shungu kuti varambe vachida kuita zvinhu zvakanaka munyaya dzekugona muchikoro, mitambo pamwe chete nehunhu hwakanaka.

VaJoseph Kabasa

“Lochinvar ndechimwe chezvikoro zvine mazita makuru munyaya dzekubura nyanzvi dzevana mune zvemitambo nekugona muchikoro,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Ndinofarawo kuti zvisinei nekuoma kwakaita zvinhu munyika, chikoro chino charamba chichishingirira mukupa vana dzidzo yemhando yepamusoro zvinova zviri kuonekwa kuburikidza nekugona muchikoro nekutora mibairo kuri kuita vana.

Mai Joyce Kanengoni

“Kuvabereki, ndinoti rambai muchitsigira chikoro chino nekubhadharira vana mari dzechikoro uye kudzidzisa vana tsika dzakanaka.”

Vabereki vachiona vana vachipihwa mibairo

Mukuru wechikoro ichi, Mai Joyce Kanengoni, vanoti vari kufambirana nenguva mukuvandudza madzidziro evana zvinova zvinoenderana neNew Curriculum.

Vana vechikoro vachiimba

Pabvunzo dzeZimsec dzeGrade 7 dzakanyorwa gore rakapera, vana vepachikoro ichi vakapasa nechikamu che97 percent.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey