‘Lockdown inobatsira’

20 Feb, 2021 - 16:02 0 Views
‘Lockdown inobatsira’ Professor Elopy Sibanda

Kwayedza

Abel Ndooka

NYANZVI mune zveutano – Professor Elopy Sibanda – veGamma Allergy and Immunology Laboratory, iyo inova imwe yenzvimbo dziri kuvhenekwa vanhu Covid-19, vanoti chirongwa chekurwisa denda iri chelockdown chakakosha zvikuru sezvo chichibatsira mukumisa kupararira kwechirwere ichi.

Muhurukuro, vanoti denda reCovid-19 rinogona kugara mumuviri wemunhu kwemazuva 14 uye rosvika pakupera roga nekudaro kana vanhu vagere kudzimba haripararire kune vamwe.

“Danho rakatorwa neHurumende kuburikidza naPresident Mnangagwa rekuwedzera lockdown nemamwe masvondo maviri, isu tiri mune zveutano tinoritambira nekuti zvichabatsira kuderedza kupararira kweCovid-19.

“Covid-19 inogara mumuviri wemunhu kwemazuva anosvika 14 saka munhu anobatwa nacho izvozvi akagara mumba make asingasangane neruzhinji kwemazuva 14 haambotapurira vamwe denda iri,” vanodaro.

Prof Sibanda vanokurudzira veruzhinji kuti varambe vachitevedzera mitemo yose yakatarwa nechinangwa chekurwisa kupararira kweCovid-19 inosanganisira kupfeka mamasiki, kugeza maoko nemvura ine sipo kana kushandisa sanitizer uye nekusaita chitsokotsoko.

“Vanhu ngavakoshese matanho ose akaiswa neHurumende ekurwisa Covid-19. Tikazvitevedzera chete nekufamba kwenguva tinenge tave pari nani munyika uye ndinovimba kuti huwandu hwevanhu vane denda iri hunodzikira,” vanodaro Prof Sibanda.

Share This:

Sponsored Links