HUSIKU HAHUCHAFAMBWA… Kubva na6pm kusvika na6am

23 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
HUSIKU HAHUCHAFAMBWA… Kubva na6pm kusvika na6am President Mnangagwa

Kwayedza

Munyori weKwayedza
KUTANGA nemusi weChitatu svondo rino, Hurumende yakadzika mamwe matanho akananga kusimbaradza zvirongwa zvekurwisa kupararira kweCovid-19 izvo zvichaona veruzhinji vasingatenderwe kufamba-famba munguva dzehusiku kubva na6pm kusvika 6am.

Munhu anoonekwa asina kupfeka mask yava mhosva huru.

Zimbabwe pari zvino yave nevanhu 1 820 vawanikwa vaine Covid-19 mushure mekuvhenekwa.

Pahuwandu uhu, 488 vakatopona asi vamwe 26 vakafa.

Vachizivisa nezvematanho aya, mutungamiriri wenyika President Mnangagwa vanoti vanochengetedza mutemo vachaona kuti veruzhinji vari kutevedzera matanho aya.

Vanhu vasingashande vanofanirwa kugara kudzimba kunze kwekunge vachifambira zvinhu zvakakosha sekunotenga chikafu, kutsvaga mvura yekushandisa mudzimba kana kunotenga mishonga yekurapa.

Munhu wose anofanirwa kupfeka mask kana achibva pamba pake.

Vemabhizimusi vachatenderwa kuvhura kubva nenguva dza8 mangwanani kusvika na3 zuva rovira.

Mabhizimusi aya achashanda achitevedzera mitemo yekurwisa kupararira kweCovid-19 sezvinotarisirwa nesangano rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation (WHO).

Kufamba kwemabhazi anotakura veruzhinji pakati pemadhorobha nezvimwe zvekufambisa zvinoenda kumaruwa hakusi kutenderwa.

Vose vachatyora mitemo iyi vacharangwa zvakaomarara.

Matanho aya ari kutorwa panguva iyo huwandu hwevanhu vane Covid-19 huri kukwira, kunyanya munharaunda dzemunyika muno umo mune vakawanda vari kubatwa nechirwere ichi kana zvichienzaniswa nevari kubva kunze kwenyika.

Zimbabwe iri panyatwa panyaya yechirwere ichi nekuda kwekuvakidzana kwayakaita neSouth Africa iyo inove nyika yechishanu pasi rose pakuve nevanhu vakawanda vari kuwanikwa vaine Covid-19.

Vachitaura vari kumuzinda wavo weState House, President Mnangagwa vanoti apo huwandu hwevanhu vane chirwere ichi pasi rose hwakwira kusvika 15,2 miriyoni uye vamwe 600 000 vakafa, zvakakosha kutora matanho ekudzivirira kupararira kwacho munyika muno.

“Matanho echimbi-chimbi uye akakosha aya achaganhura kumwe kusununguka kwedu kwatajaira. Kubva iye zvino rwumwe rusununguko urwu rwambosendekwa parutivi sezvo zvakanakira isu tose, zvakanakirawo vana vedu nenyika yedu inofanirwa kurarama nekubudirira zvisinei nechirwere ichi,” vanodaro.

President Mnangagwa vanoti zvakakosha kuchengetedza upenyu hwevanhu uye Hurumende ichazorerutsa matanho aya kana mamiriro ezvinhu adzikama maringe neCovid-19.

Hurumende iri kutora matanho aya panguva iyo WHO nemusi weMuvhuro uno yakaratidza kushushikana nekuwanda kuri kuita vanhu vari kuwanikwa vaine Covid-19 muAfrica.

VaMichael Ryan, avo vanove WHO emergency chief vanoti kuwanda kwevanhu vane Covid-19 kuSouth Africa avo vasvika 350 000 pari zvino mucherechedzo wekuwandawo kuchaita vachabatwa nechirwere ichi mudunhu rino kana pakasatorwa matanho akakodzera.

Share This:

Sponsored Links