Uncategorized

‘Lockdown yakatisimudza’

04 Mar, 2021 - 11:03 0 Views
‘Lockdown yakatisimudza’ Nyasha Matipedza

Kwayedza

Mary Chimenya

KUNYANGWE zvazvo vanhu vakawanda vaichema-chema pamusoro pechirongwa chekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 cheLevel 4 National Lockdown icho chakanyevenutswa nemusi weMuvhuro svondo rino, kune vamwe vanoti vakawana mikana yekuita zvimwe zvinopundutsa kusanganisira kusimudzira mabhizimisi avo panguva iyoyi.

Chirongwa ichi chisati chanyevenutswa, veruzhinji havaitenderwa kufamba vasina matsamba apo vanhu vaikurudzirwa kuti vagare kudzimba uye mamwe mabhizimisi ainge akavharwa.

Kwayedza inoita hurukuro nevamwe vanhu vekuChitungwiza nemuHarare avo vanoti mabhindauko avo akasimukira zvakanyanya panguva yelockdown.

VaKudzai Ncube (47) vekuHatfield, muHarare, vanoti vakwanisa kubudirira mubhizimusi ravo rekusona zvinhu zvinosanganisira hembe nemaketeni emudzimba panguva iyi.

“Ini ndava nemakore akawanda ndichiita basa rekusona iri, asi kubva gore rakapera nerino mari yandabata yakawanda zvokuti imba yandiri kugara ndave kukwanisa kupedzisa kuivaka. Lockdown yatipawo mukana wekusimudzira mabhizimusi edu uye ndava kutozivikanwa nevamwe vanhu vasiri vemunharaunda kuti ndinosona kunyangwe mayunifomu echikoro,” vanodaro.

Nyasha Matipedza (24) wekuChitungwiza anoti panguva yelockdown akakwanisa kuvamba basa rekutengsa hembe dzechikomana.
“Lockdown yakandipa mukana wekunyatsodzamisa pfungwa dzangu kuti kuvhura chitoro kwakanaka uye ndisazonetsa vabereki kuti vandipewo mari. Ndiri kutengesa hembe dzechikomana asi ndine hurongwa hwekuitawo dzevasikana. Ndiri kutofara kuti ndave kuzviitira uye kudai pasina lockdown handaimbozvifunga,” anodaro.

Muzvare Margaret Mahuni

Mashoko ake anotsinhirwa naMuzvare Margaret Mahuni vemuHarare vachiti, “Lockdown yabatsira, ini ndaita zvakawanda uye yakatiratidza kuti nyangwe usina kubasa kwaunoenda, unofanirawo kuita tumwe tunhu nekurutivi. Tirimo mudzimba imomo, taitobatanidza kuti zviite.
“Pamafoni vanhu vakavhura magroup anotengeswa zvakasiyana. Tazarurwa njere kuti munhu aone kuti tarenda raainaro nderei uye kana aine chido nekubika makeke ange achitevedzera zvinoda mwoyo wake.”

Asi, Muzvare Emily Tigere (31) vekuWaterfalls, muHarare, vanoti lockdown yakavakanganisira mabhindauko avo zvakanyanya.

“Kubva gore rakapera patanga lockdown, kwandiri ndinoti yatigadzika pasi nokuti bhizimusi rangu rakange rasimukira asi pakaiswa mutemo wekuvhara zvitoro, takabva tashaya zvekuita. Nguva yose ndange ndingori mumba ndigere uye ndisina zvekuita. Izvi zvakaita kuti mumba mupinde nzara nokuti vana vanenge vachida kudya nezvimwe,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>