‘Lockdown’ yasimbaradzwa

02 Jan, 2021 - 23:01 0 Views
‘Lockdown’ yasimbaradzwa

Kwayedza

Munyori weKwayedza
Hurumende yazivisa nezvekusimbaradzwa kwematanho ekuedza kumisa kupararira kwechirwere cheCivid-19 kutanga izvozvi.
Mutevedzeri wemutungamiri wenyika vari zvakare gurukota rezveutano nekurerwa kwevana Vice President Constantino Chiwenga vanoti izvi zvakonzerwa nekukwira kuri kuita huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi pamwe chete nevari kufa.
Kutanga zvino:
• kunzi vanhu vambogara kudzimba kwemazuva 30 kwasimbaradzwa
• vanoshanda mabasa anokoshesesa bedzi ndivo vacharamba vachishanda apo vamwe vose vavhara
• vanhu havachatenderwa kudarika 30 parufu uye mamwe magungano ose ambomiswa
• michato hakuchisina, mabhawa nedzimwe nzvimbo dzekudyira nekutandarira dzamiswa kushanda kwemazuva 30
• veruzhinji vanokurudzirwa kupfeka mamasiki nemazvo, vorega kuita chitsokitsoko, vachigeza nekuzora mawoko mushonga unobvisa nekuuraya hutaciwana uye kuongororwa kudziya kwemuviri.
• chikamu chezvemigodhi nechekuri zvicharamba zvichishanda
• mabhizimisi anenge achishanda achavhurwa na8 dzemangwanani ovharwa na3 masikati
• veruzhinji vanofanirwa kugara mudzimba vobuda bedzi pakunotenga chikafu nemishonga yekurapa
• vanhu havatenderwe kufamba kunze kubva na6 dzemanheru kusvika na6 dzemangwanani
• ndege dzicharamba dzichifamba
• mabasa akanyoreswa nevanozvishandira uye vakanyoreswa vambomuswa kushanda kwemazuva 30
• vana vari kudzokera kuchikoro izvozvi ndeavo vari kunyora bvunzo bedzi
• vanobuda munyika vachinotenga nekutengesa zvinhu vamiswa kunze kweavo vanenge vakatakura zvinokosha bedzi
• Mabhawa nedzimwe nzvimbo dzekudyira nekutandarira dzicharamba dzakavharwa kwemazuva 30.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>