Lockdown yenzvimbo inobatsira: Mangwiro

01 Jun, 2021 - 16:06 0 Views
Lockdown yenzvimbo  inobatsira: Mangwiro Dr Mangwiro

Kwayedza

Mukudzei Chingwere

ZVIRONGWA zvekurwisa chirwere cheCovid-19 zvemunzvimbo kana kuti munharaunda (localised lockdown) sechiri kuitwa kuKwekwe, zvakakosha kuti denda iri risapararire kune mamwe matunhu izvo zvinozoitawo kuti ritekeshere nenyika yose.

Hurumende svondo rapera yakatanga chirongwa chelockdown kuKwekwe nenzvimbo dzakapoteredza zvichitevera kunyuka kwemhando itsva yeCovid-19 iyo yakatangira kunyika yeIndia inozivikanwa nekunzi Indian variant.

Bondolfi Teachers’ College, iri kuMasvingo, yakaiswa zvakare pasi pechirongwa chelockdown mushure mekukwira kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa nedenda iri pakoreji iyi nemusi weChishanu chadarika.

Mutevedzeri wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr John Mangwiro, vanoti veruzhinji havafanirwe kuvhunduka kana nzvimbo dzavo dzikaiswa pasi pechirongwa chelockdown.

“Lockdown yemunzvimbo inzira yakananga kumisa kupararira kwezvirwere kubva pazvinenge zvanyukira kuenda kune mamwe matunhu nekudaro hapana chikonzero chingaite kuti vanhu vavhunduke. Kana hutachiona huchinge hwaonekwa, nzira yakanaka kumisa kupararira kwaho nekutora matanho ekuti pasave nenjodzi yepararira kune dzimwe nzvimbo.

“Ichi ndicho chikonzero vanhu vari munzvimbo inenge yanyuka hutachiona vachinzi vasafambe-fambe nechinangwa chekuti husapararire kune mamwe matunhu,” vanodaro.

Dr Mangwiro vanoti pari zvino hapana umbowo hunoratidza kuti panogona kunyuka chirwere cheCovid-19 ketatu (thrid wave).

“Zviri nyore kutaura kuti pane kunyuka ketatu kwedenda iri kuri kuuya uye potorwa matanho ekuti veruzhinji vasafambe-fambe asi izvi zvinouyawo nematambudziko makukutu maringe nenyaya dzekusimukira kweupfumi hwenyika uye kukanganisa raramo yevanhu.

“Saka zvatiri kuita pari zvino kuramba tichikurudzira veruzhinji kuti vatevedzere nemazvo matanho ose akatarwa neHurumende uye neWorld Health Organisation (WHO) ekudzivirira kupararira kwechirwere ichi,” vanodaro Dr Mangwiro.

Hurumende inokurudzira zvakare veruzhinji kuti vasaite chitsokotsoko, vagare vachishambidza maoko nemvura ine sipo kana kushandisa sanitizer uye kubaiwa majekiseni ekudzivira Covid-19.

Pari zvino, kubaiwa jekiseni rekudzivirira chirwere ichi ndiko kuri kuonekwa setariro huru yekupedza denda iri.

Zimbabwe iri kurumbidzwa pasi rose nematanho akasimba airi kutora mukudzivirira kupararira kweCovid-19.

Imwe nyanzvi mubazi rezveutano nekurerwa kwevana, inove mumwe wavanachipangamazano kuHurumende pamusoro peCovid-19, Dr Raiva Simbi, vanoti zvirongwa zvelockdown yemunzvimbo zviri kubatsira zvakanyanya.

“Umbowo hwatinahwo hunoratidza kuti mamiriro ezvinhu akagadzikana nekuti hatina nyaya itsva dzekunyuka kwechirwere ichi (Indian variant). Uhu umbowo hunoratidza kuti lockdown yemunzvimbo iri kushanda zvakanaka,” vanodaro Dr Simbi.

Share This:

Sponsored Links