Loga marara: Grobbelaar

09 Sep, 2021 - 11:09 0 Views
Loga marara: Grobbelaar

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yakambonetsa munhabvu ichitambira maWarriors nezvikwata zvinosanganisira Highlanders neLiverpool — Bruce “Jungleman” Grobbelaar — inoti Zdravko “Loga” Logarusic, uyo ari kutungamirira chikwata chenyika, murairidzi nhando pane vose vakamborairidza maWarriors.

Achitaura pachirongwa chaAlois Bunjira cheZim Soccernet, icho anoita hurukuro neshasha dzaakambotamba nadzo nhabvu, Jungleman anoti anoda chaizvo kudzoka kuzoshanda nemaWarriors sezvo pari zvino ari kutambisirwa nguva yawo naLoga.

Kusvika pari zvino, Loga arairidza maWarriors mumitambo 14 apo akangokwanisa kuhwina mumwechete, ndokuita mangange mimwe mishanu uye ndokukundwa misere.
Nemusi weChipiri chino, maWarriors akakundwa 2-1 neEthiopia mumutambo wekurwira kuenda ku2022 World Cup.

Jungleman anoti matambiro ari kuita maWarriors anoratidza kuti Loga hapana zvaanoziva.
“Ndinoda chaizvo kudzoka kuzoshanda nemaWarriors izvozvi, asi pane mumwe munhu aripo ari kuita basa iri. Asi mumaziso angu, muchinda uyu hapana zviri kuzivikanwa, arairidza mitambo inopfuura 12 akahwina mumwechete akaita mangange mishanu uye mimwe yese kurohwa chete, zvoratidza kuti ndiye murairidzi nhando pane vose vakambotungamira chikwata chenyika yedu.

“Nhoroondo yemitambo yaarairidza inotaura zvakawanda,” anodaro Jungleman.

Anoti chikwata chemaWarriors chiripo pari zvino chizere netarenda rinonwisa mvura zvekuti vanogona kusvika padanho rechikwata chakamboita mukurumbira che“The Dream Team” icho chaakatambirawo nevamwe vatambi vanosanganisira Peter Ndlovu apo vairairidzwa naReinhard Fabisch.

“Chikwata chatinacho iye zvino chine tarenda rinodadisa rinonwisa mvura uye vanogona kusvika padanho ratakasvika isu seDream Team. Vanofanirwa kungobikwa chete vorakidzwa gwara chairo rekufamba naro.

“Tine vatambi vakawanda vari kutambira kunyika dzeEurope, saka murairidzi wedu anofanirwa kuvabata vose ovakurudzira kuti vauye kuzotambira maWarriors uye ovazivisa zvakanakira kutambira nyika yavo.

“Ini ndikapihwa basa iri nhasi, chekutanga kubata vatambi vose ndovakurudzira kuti huyai kumusha mutambire nyika yenyu,” anodaro Jungleman.

Jungleman anoti matambiro ari kuita maWarriors anoratidza kuti Loga hapana zvaanoziva.

Share This:

Sponsored Links