Mabasa eruchiva

25 Jan, 2019 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi  Gunduza
BURITSA kusawirirana kwakasiyana-siyana kunokonzerwa neruchiva kubva mumutambo Kereke Inofa. [25]

Ruchiva rwunokonzera bopoto riri pakati paMary naSarah. Tinozviona apo Mary anenge achipopotera Sarah vari kuMarimba Park nekuti akanga adanana nemurume wake Pastor Mwenje zvichikonzerwa neruchiva rwakaita kuti vazotadza kuzvibata kubva pamazuva aaimusiya kumba kwake achiti agomubatsira basa repamba.

Ruchiva rwunokonzera kurwa kwaSusan naBeauty.

Izvi zvinoonekwa pavanorwa zuva raipembererwa imba itsva yaZebra kuGlen View 7, vari mumba yavairara. Vairwira Dance chikomba chaBeauty chaakanga atorerwa namainini vake, Susan. Chakapa kudaro ndechekuti Susan akanga achiva mari zhinji yaiva naDance ndokutanga kudanana naye muchivande.

Ruchiva rwunoita kuti Pastor Mwenje vachemedzwe naMary aivavimbisa kuuraya kereke yavo.

Izvi zvinojekeswa Mary paanoudza Pastor Mwenje kuti aida kunozivisa vepepanhau reH-Metro nereKwayedza kuti vashambadze nezvekusazvibata kwavo kwaikonzerwa neruchiva rwunoita kuti vazoitisa mwana kunhengo yemukereke mavo, Sarah. Mufundisi Mwenje vanotanga kuchema vachiuchira kuna Mary nekumukumbira ruregerero vachiti asaita zvinhu izvi nekuti zvaizoputsa kereke yavo asi airamba kuvateerera.

Ruchiva rwunokonzera kusanzwanana kwaMary nachiremba Ayub Kanu nezvenyaya yenhumbu yaSarah.

Tinozviona Pastor Mwenje pavanoronga zano nachiremba Kanu kuti vanyepere mudzimai wavo, Mary kuti Sarah akanga asina pamuviri.

Izvi zvinoita kuti chiremba vatadze kuwirirana naMary pavanoti Sarah haana nhumbu asi achiiona nekuti yakanga yakura zvekutoda kuzvarwa. Izvi zvakakonzerwa neruchiva rwaPastor Mwenje vakadanana naSarah nhengo yemukereke yavo ndokumupa nhumbu yavakanga vava kuedza kuvanzira Mary.

Ruchiva rwunoita kuti Rose atadze kuwirirana nezvaiitwa naPeter Chimumumu aida kubatsira Zebra kutonga nyaya yaSarah akanga apiwa mwana wekunze kwemusha naPastor Mwenje. Zvinoonekwa zuva ratongwa nyaya yaSarah naPastor Mwenje vakanga vaita ruchiva ndokupanana mwana.

Peter aibatsira Zebra kutonga nyaya iyi anozoguma ave kutukwa naRose mukoma waSarah achinzi haaive nekodzero yekupindira paukama hwavo sezvo aive mutorwa. Izvi zvinoita kuti azoshatirwa nemashoko aRose ekuti zvimumumu zvakutaurawo ndokubuda mumba maZebra asina kuoneka.

Ruchiva rwunokonzera kukikiritsana kwamukoti Lydia naZebra.

Izvi zvinoonekwa Sarah paanenge ari muchipatara cheWest End abatsirwa nemwana waakanga apiwa naPastor Mwenje murudo rwechivande.

Anokumbira mukoti Lydia kuti vadzivise vanhu vese vaida kupindamo vachimuona sezvo aive ava kutya kuti chokwadi chaizobuda pachena kumurume wake, Zebra naMary mudzimai waPastor Mwenje. Izvi zvinoita kuti Zebra paanosvika pachipatara ichi achida kuona Sarah aive muWadhi X1950 azotanga kurambidzwa namukoti Lydia vokikiritsana kusvika Zebra azopindamo zvechisimba.

Ruchiva rwunoita kuti Beauty asaremekedza amainini vake, Susan. Izvi tinozviona Beauty naSusan pavanenge vari muchipatara cheWest End vaenda kunoona Sarah. Vanenge vasiri kuwirirana nenyaya yekuti Susan akanga aita ruchiva nemari yaDance, chikomba chaBeauty, mwana wemukoma wake, Sarah. Beauty paanozozvibata kuti Susan naDance vakanga vachidanana muchivande, anopedzisira asingacharemekedzi Susan ave kumupopotera nekumushevedza nezita.

ZVEKUITA

  1. Ndeapi matambudziko anosangana nevanhu vari kuenda mhiri kwemakungwa anoburitswa muna Kereke Inofa? Tsigira zvizere. [25]
  2. Gift Mwenje ndiye honzeri yematambudziko anowira vatambi vari muna Kereke Inofa. Tsigira pfungwa iyi nezvinhu zvishanu zvaanoita. [25]
  3. Kuenda kwaSarah naPastor Mwenje kuUK kunosundidzira sei rongetedzo yenyaya iri muna Kereke Inofa? Tsigira mhinduro yako zvizere. [25]
  4. Ndezvipi zvinoitika muna Kereke Inofa zvinoratidza kuti mutambo uyu wakanangana nezviri kuitika muupenyu hwemazuva ano? Tsigira zvizere. [25]
  5. Buritsa matambudziko anowira vanhukadzi muna Kereke Inofa. [25]
  6. Ndezvipi zviitiko zvisere zvaungati ndizvo zvinoita kuti mutambo Kereke Inofa ufambire mberi sezvawakaita? Tsigira zvizere. [25]
  7. Ndezvipi zvinhu zvisere zvinotendeseka mumutambo Kereke Inofa? Tsigira mhinduro yako zvizere. [25]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey