‘Mabasa evarimi akanganiswa’

24 Jun, 2021 - 11:06 0 Views
‘Mabasa evarimi akanganiswa’ Beauty Magiya naVaMorgan Nzwere vachiratidza kukura kwemuriwo wemhando yeRampart

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

CHIRWERE cheCovid-19 chinonzi chiri kukanganisa zvikuru varimi panyaya dzemabhindauko ekutengesarana uye mabasa avo apo nyika iri kuramba ichipinda muzvirongwa zvelockdown nechinangwa chekurwisa kupararira kwedenda iri.

Mashoko aya akataurwa nemusi weChipiri naVaMorgan Nzwere, avo vanova chamangwiza wekambani yeSeed Co pakuparura mbeu itsva dzemiriwo kuSeed Co Vegetable Research Station iri kuStapleford, muHarare.

“Chirwere cheCovid-19 chava nenguva chichikanganisa varimi pasi rose munyaya dzemabhizimusi avo kubvira pakurima, kukohwa nekutengesarana muno nekunze. Zimbabwe yakapinda muzvirongwa zvakawanda zvelockdown zvinova zviri kufambira mberi nekuti chirwere ichi chichiriko.

“Tinotenda Hurumende kuti yakaisa nyaya dzekurima muchirongwa chevashandi vepamberi (essential service) kuitira kuti varambe vachifambira mberi nebasa ravo zvinova zviri kubatsira kuti vanhu vasatambudzwe nenzara uye upfumi hwenyika hurambe huchifambira mberi,” vanodaro.
VaNzwere vanoti zvirwere zvakadai seCovid-19 uye zvimwe zvinoda mishonga nguva nenguva zvinosanganisira BP, shuga negomarara zvinoda kuti vanhu vange vachidya chikafu chinovaka muviri, zvikuru miriwo yemashizha seyembeu itsva dzavari kuuchika.

“Vanhu vakawanda vava neruzivo rwezvekukosha kwemiriwo yemashizha kuutano hwavo sezvo ichipa maVitamini, faibha nezvimwe zvinoita kuti muviri ukwanise kudzivirira zvirwere. Seed Co iri pamberi mukuona kuti nyika dzakasiyana dzawana chikafu chakakwana uye chine utano.
“Ticharamba tichisimudzira mhando itsva dzembeu kuti vanhu vave neraramo inoendeka uye kuwaniswa kwevechidiki mabasa,” vanodaro VaNzwere.

Dzimwe dzembeu itsva dzakaparurwa neSeed Co dzinosanganisira dzemakabhichi SCV Dephine F1 neSCV Majesty F1 idzo dzinoburitsa muriwo makuru une huremu hwe6kg parimwe chete uye achikura nekukasika zvinoita kuti murimi akurumidze kuenda kumisika kunotengesa.

“Taparura zvekare mbeu itsva yematomatisi inosanganisira Amul F1 dzinopa goho rakakura apo murimi anowana +130mt/ha uye mbeu yeSugar beans yemhando yeGandra inokohwehwa mukati memwedzi miviri zvichiita kuti murimi agone kurima zvirimwa zvakasiyana pagore. Mbeu iyi haibatwe nyore nezvirwere, murimi achiwana 3mt/ha,” vanodaro.

VaNzwere vanoti chinangwa chavo ndechekuona kuti varimi vapunduka mukurima kwavo.
Beauty Magiya, uyo anoona nezvekutengesa kuSeed Co, anoti mbeu itsva idzi dzatova pamusika uye varimi vakasununguka kunodzitenga.

“Munguva ino yechando, varimi vanokwanisa zvekare kurima hanyanisi tsvuku (Neptune F1) nechena (DINA F1) sezvo matomatisi achigona kurohwa nechando. Matomatisi vanokwanisa kuzoarima munguva yekupisa kana kuti mumagreen house umo asingabatwi nyore nezvirwere.

“Hanyanisi dzine mari nekuti dzinogona kudyiwa dziri nyoro, kuomeswa dzichizotengeswa kana kushandiswa munguva inotevera. Zvakakosha kuti hanyanisi dzichengeterwe panzvimbo dzakaoma uye panopinda mhepo kuti dzisaora,” anodaro.

Zvimwe zvirimwa zvakaparurwa musi uyu zvinosanganisira makerotsi, nyemba, green pepper, magaka, mabhatanati nebroccoli, pakati pezvimwe.

Share This:

Sponsored Links