Uncategorized

Mabhazi eZUPCO owanda

28 May, 2020 - 00:05 0 Views
Mabhazi eZUPCO owanda Sen Mutsvangwa

Kwayedza

Elliot Ziwira naJoseph Madzimure
ZVIKORO, makoreji nemayunivhesiti hazvichashandiswa kuchengeterwa vanhu vemuno vanenge vabva kunze kwenyika panguva iyo vanhu ava vanenge vachiongororwa kuti havana Covid-19 here, sezvo zvimwe zvacho zvichavhurwa munguva pfupi iri kutevera.

Panguva imwe chete, mazana nemazana emakombi nemabhazi akapinda muchirongwa cheZUPCO nechinangwa chekurerutsira vanoda kufamba.

Pamusoro pezvo, nzvimbo dzanga dzisina vashandi dzinosvika 3 000 muchikamu chezveutano kubvira munaKurume wegore rino dzakapinzwa vanhu mabasa.

Vachizivisa nezvemamiriro ezvinhu aya, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenhepfenyuro, Senator Monica Mutsvangwa – vachitaura vakamirira Ad hoc Inter-ministerial Taskforce on Covid-19 – vanoti mapoka akasiyana ari kushanda pamusoro penyaya yekuti vadzidzi vachanyora mazamanishoni gore rino vakwanise kudzokera kuchikoro pachikosheswa kuchengetedzwa kweutano hwavo.

Mahositeri nedzimwe nzvimbo dzinogarwa nevadzidzi vekumakoreji nemayunivhesiti pari zvino zviri kushandiswa senzvimbo dzekuchengetera zvizvarwa zvemuno zvinenge zvabva kunze kwenyika.

Asi, machechi nenzvimbo dzinodzidziswa vechidiki mabasa emaoko (vocational centres nemanational youth training centres) ndidzo dzimwe dziri kuongororwa kuti dzinge dzichizochengeterwa vanhu ava.

President Mnangagwa pavakataura kunyika nguva pfupi yadarika, vakati vadzidzi vari kunyora bvunzo pakupera kwegore rino nevari kupedza zvidzidzo zvavo kumakoreji nemayunivhesiti vanofanirwa kutanga kudzoka kuzodzidza asi pachitorwa matanho ekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Sen Mutsvangwa vanoti vanhu vakachengetedzwa muzvikoro vacharamba variko kusvikira panopera nguva yavo yekuti vange vachiongororwa kuti havana coronavirus here.

Dambudziko rezvekufambisa riri kuramba richiwedzera apo vanhu vave kudzoka kumabasa.

“Mabhazi eZUPCO (mabhazi nemakombi) akawedzerwa nemamwe ari pakati pe300 ne800 nechinangwa chekubatsira vafambi.

“Huwandu hwemabhazi aya hucharamba huchitariswa kuitira kuti veruzhinji vawane zvekufambisa zvinokwana,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Zimbabwe iri kuramba ichivandudza chikamu chezveutano senzira yekurwisa kupararira kweCovid-19.

“Ndinofara kuzivisa kuti panzvimbo 3 713 dzevashandi vezveutano vaifanira kupinda mabasa kubvira munaKurume 2020, zvinzvimbo 3 539 zvave nevanhu. Hurongwa hwekuti nzvimbo dzasara dzive nevanhu huri kuitwa,” vanodaro.

Sen Mutsvangwa vanoti vanhu vemuZimbabwe vanofanirwa kugamuchira muraramiro uripo pari zvino maringe neCovid-19 senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>