Mabhindauko ounza budiriro muzvikoro

13 Oct, 2022 - 09:10 0 Views
Mabhindauko ounza budiriro muzvikoro VaAlex Mukatanga

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

KUTI zvikoro zvinge zvichibudirira, zvakakosha kuti zviite mamwe mabhindauko anobatsira mukusimudzira homwe yechikoro sekurima miriwo, kudyara miti yemichero nekuchengeta huku kana hove.

Izvi ndizvo zviri kuitika paChirumba High School kuBikita apo vana vepo vari kuita zvinorova mukurima michero yakadai semihabhurosi, mabhanana nemaranjisi pasi pechirongwa chavanodaidza kuti Chirumba High Permaculture Centre.

Mutevedzeri wemukuru wechikoro ichi, VaAlex Mukatanga, vanoti vakaona zvakakodzera kuti vashandise nzvimbo yese iri pachikoro kuti ivawanise chouviri.

“Sezvamunoona, chikoro chese chakakomberedzwa nemiti yemibhanana, mihabhurosi nemimwe inobatsira zvikuru kuti vana vawane michero yekudya, mimwe tichitengesa kuti chikoro chiite mabhindauko anochisimudzira.

“Tinotenda zvikuru vatsigiri veUK AID neKFW Development Bank, Germany kuburikidza nesangano reUnicef avo vakashanda pamwe nebazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari mukutitsigira nehomwe yeSchools Improvement Grant (SIG),” vanodaro.

VaMukatanga vanoenderera mberi vachiti: “Takacherawo chibhorani chinotiwanisa mvura yatiri kushandisa munyaya dzemadiridziro, kunwa nehutsanana, kunyanya kuzvimbuzi. Vanasikana vava kukwanisawo zvishambidza panguva yavo nekuti mvura ndoraive dambudziko guru pano,” vanodaro.

Bindu remiriwo nemabanana

VaDziro Takaindisa vanova murairidzi wemacomputer vanoti vanofara zvikuru nechirongwa chekuwaniswa kwemvura muzvikoro uye chekudzidza kuburikidza nedandemutande.

“Vadzidzi vari kune masaisai nekusina vanobatsirika pasi pechirongwa cheThe Learning Passport nekuti chine inonzi ‘offline model’ apo vana vanokwanisa kuita ongororo dzavo vari paindaneti kunyangwe kusina masaisai.

“Kunyangwe kana tikasangana nezvigozhero zvikokanganisa dzidzo zvakadai seCovid-19 kana mafashamu, tinoona dzidzo ichingoenderera mberi nekuti murairidzi anenge achitokwanisa kutumira basa rinoda kuitwa kuvadzidzi kunyangwe vari kudzimba dzavo. Chakakosha kuwaniswa kwemidziyo yekushandisa yakawanda kuvadzidzi kuti tivhare mukaha uripo pari zvino,” vanodaro.

Mukushi wemashoko kubazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari, VaTaungana Ndoro, vanoti Hurumende nevamwe vatsigiri vayo vakazvipira kuwanisa mvura yakachena uye yakaringana muzvikoro kuti muve nehutsanana.

VaTaungana Ndoro

“Chirongwa cheWASH-Schools Improvement Grant chakakosha nekuti mvura raive dambudziko muzvikoro zvizhinji, zvikuru sei zvekumaruwa apo vamwe vaipona nemvura dzemumatsime kana munzizi dzisina kuchengetedzeka,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links