Mabhonzo enguruve nemuriwo

22 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Mabhonzo enguruve nemuriwo Mabhonzo enguruve akasanganiswa nemuriwo.

Kwayedza

ZVIRI MUGAPU NAMUCHANETA CHIMUKA
USAVI hwemabhonzo enguruve akasanganiswa nemuriwo hunonaka zvikuru.

Svondo rino Ashley Muchamiri wekwaRusape anorondedzera mamwe mabikirwo ehusavi uhu.

Zvinodiwa:

Chikari, poto kana pani, mugoti, chipunu, banga, mabhonzo enguruve ane nyama, hanyanisi, matomatisi, muriwo wemashizha, munyu, mafuta nemvura.

Mabikiro:

Gadza chikari, poto kana pani pamoto.

Isa mafuta mashoma, kana apisa chiisa nyama.

Kanga kwemaminitsi gumi nemashanu kudzimara zvatsvukira.

Isa matomatisi nehanayanisi nemuriwo zvakachekwa.

Kanga kwemamwe maminitsi makumi maviri, wozoisa komichi yemvura.

Chirunga nemunyu mushoma, wosiya zvimbokwata kwemamwe maminitsi makumi matatu uchipindura.

Raidza wozobura. Munokwanisa kudya husavi uhu nesadza ramunoda — ringava rechibage, rezviyo kana remhunga.

 

Share This:

Sponsored Links