Mabhuku odirwa muzvikoro…Angel of Hope Foundation yopa eUS$50 000

05 Mar, 2020 - 10:03 0 Views
Mabhuku odirwa muzvikoro…Angel of Hope Foundation yopa eUS$50 000 First Lady Amai Mnangagwa

Kwayedza

Joseph Madzimure

Vemabhizimi vari kuramba vachitsigira sangano reAngel of Hope Foundation mukushandura upenyu hweveruzhinji uye svondo rapera vakapa sangano iri mabhuku ekuverenga anokosha US$50 000 ayo achapihwa vana vechikoro kubva padanho reEarly Childhood Development (ECD) kusvika kudzidzo yepamusoro.

Kupihwa kwemabhuku nezvimwe zvichabatsiridza pakudzidza nekudzid- ziswa kwevana pamwe chete nekusimudzira dzidzo kuti ive yemhando yepamusoro.

Kushaikwa kwezvekushandisa zvinokwana mumakore apfuura kwaikan- ganisa madzidziro evana akanaka.

Naizvozvo rubatsiro urwu rwunoderedza dambudziko rekushaikwa kwezvekushandisa pakudzidza kwevana.

Kushaikwa kwemabhuku ekuverenga muzvikoro nezvimwe zvekushandisa ndiko kwakaita kuti Angel of Hope Foundation ibatane nevemabhizimisi kuti vape rubatsiro.

Mabhuku ekuverenga aya akapihwa nevakuru vePLD Investments, VaPatrice Dhliwayo nemudzimai wavo Liona, uye achabatsira zvakanyanya muzvikoro zviri kutadza kutenga zvekushandisa pakudzidza.

Vachitaura mushure mekutambira mabhuku aya muHarare, mudzimai wemutungamiriri wenyika, First Lady Amai Auxillia Mnangagwa – avo vanova patron weAngel of Hope Foundation – vanotenda rubatsiro urwu vachiti rwuchayamura zvakanyanya mukusimudzira dzidzo munyika.

“Ndinokugamuchirai nemufaro nerudo rwamaratidza urwu mukubatsira Angel of Hope Foundation.

“Mabhuku amapa aya achashandiswa muzvikoro zvizhinji munyika kubva paECD kusvika kudzidzo yepamusoro. Kune kushomeka kwemabhuku muzvikoro zvedu zvizhinji.

“Ndiri kupa chikumbiro kune mamwe makambani kuti vashande neAngel of Hope Foundation mukubatsira zvikoro zvedu. Tinovimba kuti makambani mazhinji vachapawo rutsigiro mukubatsira Hurumende nekuda kwayo kuvandudza nekushandura dzidzo munyika.

“Izvi zvinobatsirawo kuderedza kushomeka kwemabhuku muzvikoro zvizhinji,” vanodaro Amai Mnangagwa.

Kambani iyi yakapa mabhuku ezvidzidzo zvinosanganisira Science, Commerce, Arts neHistory.

Amai Mnangagwa vanokumbira bazi redzidzo yepuraimari nesekondari kuti rikurudzire zvidzidzo zveScience Technology, Engineering neMathematics (STEM) kubva kuzvidanho zvepasi zvedzidzo.

“Tinokurudzira zvikoro kuti zvidzidzise STEM pamagwaro ose senzira yekushandura upfumi hwenyika,” vanodaro.

Vanokurudzirawo vanasikana kuti vatore zvidzidzo zveSTEM senzira yekuderedza kusaenzana kwemikana pakati pavo nevanakomana. Amai Mnangagwa vanoti vachatora mamwe mabhuku aya voaendesa kumisha inochengetwa nherera.

Mukuru wesangano rinomirira vezvitoro reConfederation of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutashu, vanotiwo vari kushanda nevemabhizimisi kuunganidza zvekushandisa senzira yekutsigira Angel of Hope Foundation iyo inopa rubatsiro rwunoshandura upenyu kune veruzhinji.

“Tinoshanda nemakambani akasiyana mukutsigira basa rinoitwa neAngel of Hope Foundation.

“Takakwanisa kutsvaga mabhuku kubva kuPLD Investments avo vanopa mabhuku kuzvikoro munyika. Rubatsiro urwu rwauya apo dzidzo yemunyika iri kuda shanduko kuburikidza nekukurudzirwa kwezvidzidzo zvesainzi kubva kuECD kusvika kudzidzo yepamusoro. Rubatsiro urwu rwuchabatsira vanoshaya avo vasingakwanise kuwana mabhuku aya anokosha US$50 000,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links