Mabikirwo echimikuyu chine dovi

26 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Mabikirwo echimikuyu chine dovi Chimukuyu chine dovi

Kwayedza

Chimukuyu chenyama yemombe chinofarirwa nevazhinji uye chinopa utano.  Munzvimbo zhinji dzisina magetsi sekumaruwa, vanhu vanogona kuomesa kana kusasika nyama yemombe nyoro kuti iite chimukuyu vachizoichengetedza nyore uye kwenguva refu.

Svondo rino Mbuya Margaret Murawa vekwaMutare vanotsanangura mabikirwo enyama yechimukuyu.

Zvinodiwa:

Chimukuyu chemombe, munyu, mafuta (Olive oil), dovi, matomatisi, hanyasi, poto, mvura nemhiripiri.

Mabikiro:

Cheka chimukuyu muzvidimbu zvaunoda. Gadza poto pamoto wodira mvura, siya zvichifashaira kwemaawa maviri woisa munyu wakaringana.

Kana mvura ichinge yapera, ravira nyama yacho unzwe kana ichinge yapfava.

Isa mafuta emhando yeOlive oil wokanga kusvika yatsvukira.

Kanda hanyanisi dzawacheka wokanga, wozoisa matomatisi.

Wozodii?

Tora zvipunu zviviri zvedovi wokurungira mumvura wodira.

Siya zvikwate kwemaminitsi mashanu wozobura. Kana zvadai, chigadzirira kudya unakirwe nemhuri.

Nyama yechimukuyu inogona kudyiwa nesadza jena, rezviyo, remapfunde, remhunga kana yakadaro.

  • Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey