Abel Ndooka
VATSIGIRI veDynamos FC vanoti vagamuchira kusiya basa kwaita murairidzi weDeMbare – Genesis ‘Kaka’ Mangombe – asi ari kumutsiva ane basa guru rekusimudzira chikwata ichi sezvo chisiri kutamba zvinogutsa parizvino.
Nemusi weChipiri chino, Dynamos yakaburitsa mashoko ekuti yakagamuchira tsamba yakabva kunaMangombe yekuti asiya basa zvakaita kuti imbofanogadza Lloyd ‘Mablanyo’ Chigowe kuti atungamire chikwata ichi panguva iyo vachitsvaga mumwe murairidzi.
“Tinoda kuzivisa kune vese vane chekuita nechikwata chedu kuti tagamuchira tsamba yekusiya basa yaGenesis Mangombe yekurairidza Dynamos Football Club.
“Tinoda kutenda Mangombe nebasa raakabata kuchikwata chino nezvese zvaakahwina achirairidza chikwata chino,” inodaro Dynamos.
Muhurukuro neKwayedza, mutsigiri wenhabvu ane mukurumbira Chris ‘Romario’ Musekiwa anoti munhabvu zvinowanikwa zvekusiya basa kwevarairidzi.
“Zvaitika panyaya yaMangombe zvinhu zvinowanikwa munhabvu, ende tinotozvitarisira nguva zhinji kana zvinhu zvisiri kufamba zvakanaka. Saka tinongoda kumutenda nebasa raakabata panguva yaakarairidza Dynamos FC.
“Paakauya gore radarika, zvinhu zvange zvisiri kufamba zvakanaka asi akasvika akabata basa chikwata chikahwina mukombe weChibuku Super Cup uye gore rino tave kutamba muAfrica.
“Zvisinei, vatambi vaaida haana kuvawana izvo zvinenge zvakazoomesa basa rake nekuti mukatarisa chikwata chake izvezvi top goal scorer anwisa katatu chete? Haaaa pane basa, murairidzi mutsva ari kuuya wacho ane basa guru rekubata rekusimudzira chikwata ichi,” anodaro Musekiwa.
Anoti kunyangwe hazvo Mangombe aenda vasina kuzvitarisira, yave nguva yekuti vatsigire murairidzi mutsva avepo.
“Kuti chikwata chiende mberi, ngatitsigire murairidzi mutsva avepo nekuti mitambo yatakatarisana nayo mikuru, kutanga nesvondo rino apo tiri kusangana neSimba Bhora tozoenda kuZambia kunotamba neZanaco. Ngatitsigire Mablanyo nekuti hatizive kuti pamitambo yasara anotogona kuchim hanya mu komb e tikapedzisira tautora nekuti mitambo ichiripo,” anodaro Musekiwa.
Kuchitiwo mumwe mutsigiri ane mukurumbira – Adomsi Mukwasi – anoti hutungamiri hweDynamos hauna kunyatsotsigira Mangombe nemazvo nekumutsvagira vatambi vaaida izvo zvaidzosera kumashure matambiro echikwata chake.
“Mangombe ange asiri kutsigirwa chaizvo, muchinda uyu mukaona paakauya kuDynamos chikwata akachisimudza ndokuchidzorera mumitambo yemuAfrica izvo change chane makore chisina kumbotamba, izvezvi tave kutamba muAfrica,” anodaro Mukwasi.
Anoenderera achiti, “Varairidzi venhabvu vanoda kupihwa rutsigiro rwakasimba kuitira kuti vashande basa ravo nemazvo.
“Isu sevatsigiri zviri kutirwadza kuti Mangombe aenda asina kumborairidza mutambo mumwechete wemuAfrica apa ariye akatungamira chikwata ichi kuti chipinde mumutambo iwoyo, ipapo pari kutirwadza.”