Uncategorized

MABWE ONAYA PAMUSHA

17 Apr, 2019 - 17:04 0 Views
MABWE ONAYA PAMUSHA Mai Nomatter Chitanda (kuruboshwe) vaine mhuri yavo nevamwe vavanogara navo pamwe nevavakidzani - Mifananidzo naEdward Zvemisha

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VATORI venhau veKwayedza vakabviswa chiri kumeso nemusi weChitatu svondo rakapera apo vakapotswa nemazitombo nezvidhinha izvo zvaingobva mumhepo mushure mekunge vaenda pamusha peimwe mhuri apo panonzi panongonaya mabwe achibva mumhepo kuBudiriro 5, muHarare.

Apo vatori venhau — munyori uno nemutori wemifananidzo Edward Zvemisha — vakasvika pamba apa nenguva dzekuma1 masikati, matombo akabva angotanga kunaya achibva mumhepo nemativi ose.

Vatori venhau vakatopona nekunzvenga mabwe aya, ayo mamwe acho aiuya akananga misoro yavo, mamwe nemumateya avo achizonotema madziro edzimba. Mamwe aisvikorova pasi pachitopfumbuka guruva.

Mamwewo aiwira pamusoro pedzimba marata achitorira apo matombo aya aizonowira pachivanze chepamba apa.

Chinoshamisa ndechekuti hapana vanhu vaionekwa vachiapotsera izvo zviri kuita kuti vagari vepamba apa neveruzhinji vafunge kuti aya mabasa ezvidhoma.

Gumbo rakatemwa

Vatori venhau vakashaya kana nguva yekukwazisana nemhuri yepamba apa sezvo vakasvika vachingotambirwa nemabwe aibva mumhepo.

Mamwe emabwe aya aibva nemupaseji yemba huru, mamwewo nekumativi ose zvikaita kuti pamusha uyu paite bararamhanya vanhu vachitiza.

Mumwe mwanasikana wepo ane makore 15 ekuberekwa, akatemwa pagumbo nedombo apo aimhanya akananga nekubhoyisikayi yepo.

Zvisinei, matombo aya akazomira kupotserwa zvikaita kuti vatori venhau vawane mukana wekuita hurukuro yavainge vafambira.

Mhuri yakatarisana nedambudziko iri ndeyekwaChitanda inogara panhamba 18046 kuBudiriro 5 uye pamba apa pane marata emaasbestos anokwana mashanu akatopwanyika nekutemwa.

VaPaul Chipangura (29) mumwe wevagari vepamba apa uye vanoti vave kutogara panze nekutya kutemwa nemabwe aya sezvo dzimwe nguva achitangira mumba.

Mwana akatemwa

“Zvakatanga nemusi weChina svondo rakapera apo taiti tikabuda panze husiku tichienda kuchimbuzi, tainzwa matombo achipotserwa. Takambofunga kuti dzaiva mbavha sezvo kuno kuchibiwa zvikuru asi takazoziva chokwadi apo takazoona matombo aya ava kupinda nemumba. Kubva ipapo, hazvisi kumira, anopotserwa husiku nemasikati,” vanodaro.

Murume uyu anoti masikati vanopotserwa mabwe vari panze vachitya kupinda mumba uye dzimwe nguva vachinogara kudzimba dzevavakidzani vavo asi matombo aya anongovatevera.

Pamba apa pane dzimba mbiri dzinoti huru ine dzimba ina nediki inongova nemba imwe chete.

Pamusha uyu panogara vanhu vanokwana gumi vanosanganisira varidzi vepo nemaroja avo. Vanoti husiku vanorara mushure mekutanga paitwa minamato nevamwe vemachechi vari kuvabatsira.

Mai Nomatter Chitanda (39) vanova amai vepamba apa vanoti vashaya nezano rekuita nekuda kwedambudziko iri.

Mai Nomatter Chitanda

“Ndiri shirikadzi, murume wangu Felix Chitanda akashaika gore rapera. Ndangosara ini pano nevana. Handizive kuti zviri kuitika izvi zvinoda kuti ndiende kupi nevana, hama dzemurume wangu ndakadziudza asi hapana ari kuuya,” vanodaro.

“Musi chaiwo wazvakatanga ndakanzwa rumwe ruzha rwunotyisa sekunge pakanga paputitswa bhomba, ndokubva matombo aya atanga kunaya pachivanze. Zuva rekutanga iri, takazodya sadza na12 pakati pehusiku uye musi uyu ndakawana mubhedhuru mangu muzere mabwe pamubhedha nepasi pepiro,” vanodaro Mai Chitanda.

Mamwe mrata epamusoro pemba akatsemurwa nekuda kwekutemwa.

“Ndichitsvaira muimba yekubikira, ndakapotswa nezidombo iro rakawira pedyo nekitchen unit apowo kapu hamheno kwayakabva iyo yakapotserwa ndokunorovera pasi ndokubva yangoparara.

“Izvi zviri kuitika zuva roga-roga, hapana chakanaka pano,” vanodaro.

Mai Chitanda vanoti nguva yavo yose ndeyekungomhanya chete pamba apa.

Muvakidzani waMai Chitanda, Mai Pamhidzai Huni (46), vanoti mamwe ematombo aya anopotserwawo nekumba kwavo.

Pamhidzai Huni

“Vana tave kutotya kuti vatambire panze nekuda kwedambudziko iri sezvo tichitya kuti vanokuvadzwa,” vanodaro

Nobetta Nyapfumbi (35), anove mumwe wevavakidzani vaMai Chitanda, anoti izvi zvapararira kudzimwe dzimba dzakakomberedza mhuri iyi.

Apo vatori venhau vakanga vave kupedza hurukuro yavo, mabwe aya akatanga zvakare kunaya achidarika nepamusoro pevanhu.

“Hezvo zvatanga, imi (vatori venhau) matiparira. Hazvidi kufumurwa izvi. Tizai, chibvai pano dai matouya zvenyu nemaporofita kana n’anga matibatsira. Mumwe wenyu achafira pano,” vanodaro Mai Huni.

Kukandwa kwemabwe aya kwakazongomira mushure mekanguva kadiki.

Aka hakazi kekutanga vatori venhau veKwayedza vachisangana netsekwende yakadai sezvo gore rapera vakatemwa zvakare nematombo aibva mumhepo pane mumwe musha waingobvira moto kwaNyika, kuBikita.

Nobetta Nyapfumbi

Votaura pamusoro pezviri kuitika kumhuri yemuHarare iyi, VaPatrick Kapfunde (53) kana kuti Sekuru Bhaureni vekwaMadondo, kuMt Darwin vanoti pane zvakawanda zvinogona kunge zvichiitika pamusha waMai Chitanda.

“Zvinoda kuti vanhu ava vabatsirwe asi zvinogona kunge zvichikonzerwa nesandawana unove mushonga wekutsvaga mari kana kuti zvikwambo kana ngozi,” vanodaro.

Pastor Hazvinei Muchefa vechechi yeRedeemed Christian Fellowship Ministries (RECFEMI) yekuWaterfalls, muHarare, vanoti mhuri yeMai Chitanda nevavakidzani vavo vanogona kunge vari kutambudzwa nemweya wetsvina.

“Idambudziko rinopera, vanoda kubatsirwa,” vanodaro Pastor Muchefa.

Kune vanoda kubatsira mhuri iyi vanoridza nhare dzinoti 0779 430 154, 0775 208 666 kana 0773 488 004.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>