Macauley Bonne: Vatsigiri votaura‘. . . SHAMWARI WATIURAYA’

15 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
Macauley Bonne: Vatsigiri votaura‘. . . SHAMWARI WATIURAYA’ Macauley Bonne

Kwayedza

Abel Ndooka
VATSIGIRI venhabvu vemaWarriors vanoti vange vakatarisira zvikuru kuti Macauley Bonne uyo anotambira Charlton Athletic kuEngland achauya kuzotamba svondo rino apo chikwata chenyika ichi chiri kusangana neBotswana uye neZambia mumitambo yemuboka reGroup H yekutanga kurwira kuenda kumakwishu e2021 Cameroon Africa Cup of Nations.

Makore adarika, Bonne aikundikana kuuya kuzotambira maWarriors mumitambo mikuru sezvo akange asina pasipoti iyo yakazobuda masvondo adarika.

Mutambi uyu – uyo ange akashevedzwa kuti auye kuzotambira maWarriors nemurairidzi wechikwata ichi, Joey Antipas, anoti haasi kukwanisa kuuya nekuda kwekuti anofanirwa kuenda kunoonekwa nachiremba kuEngland uko ari kunovhenekwa mwoyo wake.

Bonne anoti, “Ndine mufaro mukuru kuti ndakawaniswa mukana mukuru kusarudzwa kuti ndiuye kuzotambira chikwata cheZimbabwe uye ndinotenda vese vakashanda nesimba kuti ndigowaniswa pasipoti yangu. Ndange ndiri kushanda nesimba kuchikwata changu uye kuzowaniswa mukana uyu, chishuviro chandaingove nacho ndichikura ndiri kakomana.

“Asi naizvozvo nekuda kwehutano hwangu, handisi kukwanisa kufamba kuuya izvo zvinove zvinhu zvinosuwisa zvikuru kwandiri uye nekune vanhu vese vemuZimbabwe.

“Mashoko andange ndichiona padandemutande ndinomatenda zvikuru kunyangwe hangu ndisingazokwanise kupindura ese, asi ese ari pamwoyo wangu. Ndinoshuvira rombo rakanaka kuchikwata cheZimbabwe mumitambo inotevera uye ndicharamba ndichikurukura naWelly Mpandare uye nevamiriri veZifa,” anodaro Bonne.

Muhurukuro neKwayedza, sachigaro wesangano reFriends of the Warriors – Edward Chimedza – anoti sangano reZifa uye gurukota revechidiki, mitambo nezvekutandara Dr Kirsty Coventry vakaita basa guru rekumhanya-mhanya kuti Bonne agowaniswa pasipoti yake uye iye zvino chavangotarisira kuti agouya azotambira chikwata ichi.

“Chikuru ndechekuti Bonne ave nemagwaro akakwana ndizvo tinopembera kuti pese paanenge ave kudiwa anouya. Dai asina magwaro akakwana zvaigona kunetsa asi ave navo saka zvave kuendeka.

“Tinopa kutenda kuhutungamiri hweZifa uye gurukota rezvemitambo Dr Coventry vakabata basa kuti zviitike.

“Izvezvi ngaamboonekwa nanachiremba uye arapwe ozouya kana apora, hatingade kumumanikidza kuti atambe iye asina hutano hwakakwana,” anodaro Chimedza.

Anoenderera mberi achikurudzira vamwe vatambi vemaWarriors vakashevedzwa naAntipas kuti vagobata basa sebasa mumitambo miviri yeAfcon Qualifier inoti wekutanga uchatambirwa muno nemusi weChishanu neBotswana uye wechipiri neZambia svondo rinotevera musi weChipiri kuZambia.

“Changovepo ndechekuti varipo ivavo ngavabate basa sebasa mumitambo miviri yatakatarisana nayo yekurwira kuenda kuAfcon,” anodaro Chimedza.

Shasha yekutsigira nhabvu ine mukurumbira Chris ‘Romario’ Musekiwa anoti Bonne mutambi wepamusoro uye svondo rino vatsigiri vemaWarriors vange vakatarisira kuuya kwake sezvo ange achitamba nhabvu inonwisa mvura kuEngland.

Mumitambo 10 yaatamba mwaka uno muEnglish Championship, Bonne akwanisa kuzunza mambure kashanu.

“Bonne izvezvi kuvatambi vedu vemuZimbabwe ndiye mumwe wevari kuzunza mambure zvinonwisa mvura uye tarasikirwa nekusauya kwake.

“Tange takamutarisira sezvo pasipoti yake yakazobuda mushure memakore achiitsvaga.

“Asi tinoziva kuti mune ramangwana achauya chete uye achiri mudiki saka tichange tinaye kwemakore akawanda chaizvo achitambira maWarriors,” anodaro Musekiwa.

Munyori mukuru wesangano reFriends of the Warriors, Zivanai Muwashu, anoti Bonne akapinda muchikwata chemaWarriors anorakidza kuti mutambi achanetsa zvikuru.

“Bonne nhabvu yaanotamba kuEngland iya anorakidza kuti akatamba muchikwata chimwechete naKhama Billiat naKnowledge Musona achipihwa mabhora masvinu, anozunza zvekuzunza zviye mambure. Saka tarasikirwa zvikuru asi rwendo rwacho ruchiri rurefu rwekurwira kuenda kuAfcon saka tinovimba kuti achauya kune mimwe mitambo ichatevera,” anodaro Muwashu.

Bonne – uyo akataridza chido chekuti anoda kutambira Zimbabwe kubva kare – akazvarirwa kuEngland asi vabereki vake zvizvarwa zvemuno.

Share This:

Sponsored Links