Machechi ogashira majekiseni eCovid

05 Sep, 2021 - 13:09 0 Views
Machechi ogashira majekiseni eCovid Sen Mutsvangwa

Kwayedza

Tandayi Motsi

HURUMENDE inoti zvichitevera kutambirwa zvakanaka kuri kuitwa kubaiwa kwevanhu majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19 nevemachechi, yakatanga chirongwa chinonzi Operation Marah icho pasi pacho vemakereke vanokwanisa kukumbira zvikwata zvevashandi vezveutano kuti vabaye nhengo dzemachechi kunzvimbo dzavanonamatira.

Vachitaura kuvatori venhau mushure memusangano wedare reCabinet svondo rapera muguta reHarare, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko – Senator Monica Mutsvangwa – vanoti chirongwa ichi chichaita kuti Zimbabwe ikwanise kusvitsa huwandu hwevanhu vanofanirwa kubaiwa majekiseni aya kuti nyika ive yakadzivirirwa kuchirwere ichi.

“Cabinet inoda kuzivisa kuti zvichitevera rutsigiro rwukuru uye kutambirwa kuri kuitwa chirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni ekudzivirira Covid-19, Hurumende yakavamba chirongwa cheOperation Marah. Vemachechi iye zvino vanokwanisa kukumbira kuHurumende zvikwata zvevashandi vezveutano kuti zvigobaya nhengo dzavo majekiseni ekudzivirira Covid-19.
“Kuparurwa kweOperation Marah kuchaita kuti chirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni chifambire mberi nekukasika uye zvakare kuti nyika inge yakadzivirirwa kubva kudenda iri,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vanoti chirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni ekudzivirira Covid-19 chiri kuitwa pachena.

“Hurumende inoda kuzivisa kuti chirongwa chekubaiwa majekiseni chiri kuitwa pachena senzira yekubatsira nyika nekudaro mizinda yose yezveutano yakazvimirira haifanirwe kubhadharisa mari vanhu vanenge vachida kubaiwa majekiseni aya,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vakawanda pari zvino vari kuda kubaiwa majekiseni aya izvo zviri kuita kuti nzvimbo dzinobairwa vanhu dzizare.
Svondo rapera pamberi, dare reCabinet rakaita chisungo chekuti vane makore 14 kusvika 17 okuberekwa vapindewo muchirongwa chekubaiwa majekiseni aya.

Kusvika pari zvino, vanhu vanodarika 4 miriyoni vabaiwa majekiseni ekutanga neechipiri ekudzivirira Covid-19.
Nyika ino ine chinangwa chekubaya majekiseni kuvanhu vanosvika 10 miriyoni kuti inge yakadzivirirwa kudenda iri.
Kusvika pari zvino, Zimbabwe yawana majekiseni 13 miriyoni ekudzivirira Covid-19 kubva pa20 miriyoni ari kudiwa kuti nyika inge yakadzivirirwa kudenda iri.

MunaNyamavhuvhu, Zimbabwe yakawana majekiseni 2,5 miriyoni uye mamwe 2,5 miriyoni ari kutarisirwa kusvika munaGunyana.

Majekiseni aya akatengwa nemari yakaiswa padivi neHurumende kuti ishandiswe muchirongwa ichochi.
Mamwe majekiseni 943 200 ari kutarisirwa zvakare kusvika munyika muno pasi pechirongwa cheCOVAX.

Share This:

Sponsored Links