Machechi oti baiwai

22 Sep, 2021 - 09:09 0 Views
Machechi oti baiwai

Kwayedza

Sukulwenkosi Dube-Matutu

VATUNGAMIRIRI vemachechi vari kukurudzira vanamati kuti vabaiwe majekiseni ekudzvirira chirwere cheCovid-19 kuitira kuti vakwanise kunamata vakasununguka.

Vanoti mishonga yemajekiseni aya inobatsira uye haina njodzi kuutano hwevanhu.

Vatendi vasina kubaiwa majekiseni eCovid-19 pari zvino havasi kutenderwa kuenda kuchechi kunonamata.

Mukuru wechechi yeHarvest House International Church (HHIC), Bishop Dr Collin Nyathi, vanoti kana vanamati vose vakabaiwa majekiseni, zvirongwa zvekereke zvinenge zvave nyore kuitwa sekare.

Vanoti muchechi yavo, vatendi vari kukurudzirwa kuti vabaiwe majekiseni ekudzivirira Covid-19.

Bishop Dr Nyathi vanoti zvakakosha kuti vanhu vapihwe dzidziso yakasimba pamusoro peCovid-19 uye kubaiwa majekiseni sezvo kuchine vamwe vachakabatirira pamafungiro asiriwo.

“Sevatungamiriri vemachechi, tiri kuita chikamu chedu chekudzidzisa vanhu nezvekukosha kwekuti vabaiwe majekiseni senzira yekurwisa mashoko enhema ari pamusoro pemajekiseni aya. Tiri kukurudzira vatendi kuti vatore mukana uripo vabaiwe majekiseni,” vanodaro.

“Takambove nehumwe hutachiona kare hwezvirwere zvaida kuti vanhu vabaiwe majekiseni sesmall pox negwirikwiti, majekiseni ekudzivirira zvirwere izvi akaratidza kuti anobatsira uye haakanganise utano. Nyaya iri kunetsa pamusoro peCovid-19 ndeyekuti pane zvakawanda zvakataurwa pamusoro pemajekiseni acho izvo zvakaita kuti vanhu vatye uye izvi zvinofanirwa kugadziriswa.”

Bishop Dr Nyathi vanoti zvisinei hazvo, chechi haikwanise kumanikidza vanhu kuti vabaiwe majekiseni sezvo iyi iri sarudzo yavo.

Vanokurudzira vatungamiriri vemukereke yavo kuti vape mucherechedzo wakanaka kuburikidza nekubaiwa majekiseni ekudzivirira chirwere ichi.

Mashoko avo anotsinhirwa naBishop Michael Dube vanova mutungamiriri weEvangelical Lutheran Church in Zimbabwe (ELCZ) kudivi reWestern Diocese vachiti vari kukurudzira vatendi kuti vabaiwe nhomba idzi.

Vanoti zvakakosha kuti vanamati vazive kuti kubaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19 kunobatsira ivo nekuchengetedzawo utano hwevamwe.

Bishop Dube vanoti pane basa guru rinofanirwa kuitwa neHurumende mukurwisa mashoko enhema ari pamusoro pechirwere ichi.

“Sevatungamiriri vemachechi, tiri kuratidza mucherechedzo wakanaka kuburikidza nekubaiwa majekiseni uye kukurudzira vatendi vedu kuti vateverewo matiri kufamba namo. Kune vamwe vari kugedageda uye chatinokwanisa kuita chete kuramba tichipa dzidziso kuvanhu.

“Zvisinei, pakatanga chirongwa chekubaiwa majekiseni, pakave nemashoko akawanda enhema pamusoro pemushonga uyu nekudaro Hurumende ine basa guru rekuti chokwadi chaicho chizivikanwe,” vanodaro Bishop Dube.

Mufundisi wechechi yeZion Apostolic Church in Central Africa, Michael Ndlovu, vanoti vatendi vekukereke yavo vari kukurudzirwawo kubaiwe majekiseni mamwe chetewo aya.

Vanoti zvakakosha kuti vemachechi vatevedzere zvinotaurwa neHurumende uye bhaibheri zvakare rinokurudzira kuti vatungamiriri venyika vanofanirwa kuremekedzwa.

Hurumende iri mushishi yekufambisa chirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19.

Zimbabwe ine chinangwa chekubaya majekiseni vanhu 10 miriyoni kana kuti chikamu che60 percent chevanhu vose vari munyika kuti inge yakadzivirirwa kubva kudenda iri.

Kusvika pari zvino, majekiseni anosvika 5 miriyoni abaiwa kuvanhu vemuZimbabwe kubva pakatangisa chirongwa chekubaya ruzhinji nhomba dzekudzivirira Covid-19 mumwedzi waKurume wegore rino.

Vanhu ava vanosanganisira vabaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) neechipiri (2nd dose).

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey