Machechi regai kuungana: ZRP

09 May, 2020 - 00:05 0 Views
Machechi regai kuungana: ZRP Assistant Commissioner Paul Nyathi

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) vari kuyambira vemachechi avo vanonzi vatanga kuungana kunzvimbo dzavanonamatira apo veruzhinji vari kunzi vagare kudzimba sedanho rekumisa kutapurirana nekupararira kwechirwere chanetsa pasi rose cheCovid-19.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi vanoti zvava kuitwa nemamwe machechi zvekuungana kutyora mutemo wakadzikwa neHurumende uye zvinosungisa sezvo pasina mirawo yati yasandurwa.

Hurumende yakadzika mitemo inobatsira kurwisa Covid-19 apo veruzhinji vakambomiswa kuungana sekumachechi, kumabhawa, munzvimbo dzinoitirwa mitambo, pamisangano, parufu nekudzimwe.

Vanowanikwa vachityora mitemo iyi vanosungwa voripiswa faindi dzakakura kana kuendeswa kujeri.

Asst Comm Nyathi vanoti kune vamwe vemachechi vava kuonekwa vachiungana vachinamata nekuita zvimwe panzvimbo dzavanonamatira kunova kutyora mutemo.

“Kune vemachechi akasiyana vava kuonekwa vachiungana vachinamata nekuita zvimwe zvakasiyana. Hapana chati chasanduka pamutemo unoti vanhu vasaungane, kunyange paine zvimwe zvakanyevenutswa panyaya yekunzi vanhu vagare kudzimba.

“Mutungamiri wenyika President Mnangagwa vakanyevenutsa zvimwe kusanganisira kuti vemakambani vavhure, asi kuungana hakusati kwava kutenderwa. Avo vemachechi vari kuungana kutotyora mutemo unoti vanhu vagare kudzimba vasingafambe-fambe uye vachiremekedza yatinoti social distancing,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Asst Comm Nyathi vanoti kana pari panyaya yekunamata, munhu anogona kuzviita ari kumba kwake pane kuungana kungava kumasowe kana mumachechi.

“Mwari unogona kumunamata uri kumba kwako, uri munzvimbo yakavandika apo unogona kutozviita nenzira yakasununguka pasina anokukanganisa. Kana dai semhuri, mogona kunamata muri kumba, chero musina kuita chitsokotsoko bedzi.

“Kana vari vafundisi kana maporofita ari kutungamirira vatenderi vemachechi avo kuti vaungane, ivava tinovayambira kuti vanosungwa zvose nevavanenge vainavo,” vanodaro Ass Comm Nyathi.

Vanoti kune vamwe vari kuonekwa masikati machena vakaungana, vamwewo vachinzwikwa husiku vari mumachechi kana kumasowe.

“Mutemo unoti veruzhinji vasaungane uchiriko, hausati wabviswa uye isu semapurisa tiri kusunga vanhu vanotyora mitemo yakadzikwa iyi.

“Kune mutemo unoti vanhu vapfeke mamasiki pose pavanenge vari panzvimbo yeruzhinji takatosunga vanhu 52 nekusapfeka zvinodzivirira izvi.”

Vanoenderera mberi vachiti kune vamwe vanhu vanoita sekunge vakaberekwa vakabata doro mumaoko avo vari kusungwa vari mumamwe mabhawa ari kuvavhurira zviri kunze kwemutemo. Vamwe vanosungirwa kufamba vachinwa doro.

“Iyambiro yedu huru zvakare kune vezvikoro zvakazvimirira avo tiri kunzwa kuti vane zvikoro zvemukoto vari kudzidzisa vana muchivande.

“Hongu vabereki vanoda kuti vana vavo vadzidze, asi ngatizivei kuti kuenda kwake kuchikoro hunge ari mupenyu.

“Zvino kana mwana akabatwa nedenda iri akafa anozokuenda here kuchikoro kwacho? Ivo varidzi vezvikoro zvakadai zvose nevadzidzisi vacho ngavasada mari vachipinza upenyu hwevana neruzhinji panjodzi,” vanodaro.

Ass Comm Nyathi vanoti kubva pakatanga chirongwa chekuti vanhu vagare kudzimba, mapurisa eZRP asunga vanhu nekuda kwemhosva dzekutyora mitemo iyi vanosvika 21 292.

“Imari dzakawanda zvikuru dziri kuripiswa vanhu ava idzo vanofanirwa kuchengeta votengera mhuri dzavo zvinodiwa saiye zvino mwaka wechando wasvika kudai. Ngatichengetedzei mitemo yose pakurwisana Covid-19,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links