MaChevrons akundwa neBangladesh

09 May, 2024 - 21:05 0 Views
MaChevrons akundwa neBangladesh Chevrons

Kwayedza

Abel Ndooka

CHIKWATA chenyika checricket chemaChevrons chakakundwa muTwenty20 International Series neBangladesh zvichitevera kukundwa kwachakaitwa mutambo wechitatu apo zvikwata zviviri izvi zvakasangana musi weChipiri chadarika.

Zvikwata izvi zviri pakati pekutamba mitambo mishanu yeTwenty20 International Series kunyika yeBangaldesh.

Asi zvichitevera kukunda kwakaita Bangladesh musi weChipiri mumutambo wechitatu nemaruns mapfumbamwe, zvakabva zvaona Bangladesh ichihwina mutambo uyu weseries pachiri nemitambo miviri isati yatambwa.

Kusvika parizvino, zvikwata zviviri izvi zvatamba mitambo mitatu iyo yese yakahwiniwa neBangladesh.

Izvi zvinoreva kuti mitambo miviri yasara kana maChevrons akaihwina hazvina zvazvichabatsira nekuti Bangladesh ndiyo yakatohwina series iyi.

Chikwata chaStuart Matsikinyeri chakakundwa mutambo wekutanga nemawickets masere, ndokuzokundwa wechipiri nemawickets matanhatu uye wechitatu nemaruns mapfumbamwe.

Mitambo miviri yasara yezvikwata izvi ichatambirwa kuDhaka apo wekutanga uchitambwa musi weChishanu kuchiti wekupedzisira uchizotambwa musi weSvondo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey