MaChevrons obaiwa nhomba

01 Jul, 2021 - 12:07 0 Views
MaChevrons obaiwa nhomba

Kwayedza

Abel Ndooka

CHIKWATA chenyika checricket chemaChevrons chinoti vatambi vacho pamwe chete nevarairidzi vakatobaiwa majekiseni kana kuti nhomba dzinodzivirira kuchirwere cheCovid-19.

Vatambi vechikwata ichi vanosvika 27, vashandi nevarairidzi 20 vanonzi vakatobaiwa majekiseni aya apo Hurumende iri kushanda nesimba mukuona kuti vanhu vakawanda vadzivirirwa kuchirwere chanetsa pasi rose ichi.

Kubaiwa nhomba kwemaChevrons kuri kuitika apo chikwati ichi chiri pakati pekuita gadziriro dzacho dzekuzosangana necheBangladesh mwedzi unotevera mumitambo mitatu yeOne-Day International (ODI), mumwe chete weTest nemitatu yeTwenty20 International.

Chinyorwa chakabva kuZimbabwe Cricket chinoti vatambi, varairidzi nevashandi ava vanonzi vakabaiwa majekiseni kuchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals svondo rapera.

Mitambo yemaChevrons neBangladesh ichatanga musi wa7 Chikunguru uye zvichatanga nekubandana mumutambo weTest  zvozosangana mumitambo yeODI iyo ichange iri yeInternational Cricket Council (ICC) Men’s Cricket World Cup Super League yekurwira kuenda kumutambo we2023 ICC Men’s World Cup iyo ichazotambirwa kuIndia.

Pachinyorwa chakabva kuZC chinoti mitambo yose ichatambwa nemaChevrons neBangladesh ichange isina vatsigiri vachange vachiona sezvo panguva ino vatsigiri vasiri kutenderwa kunhandare dzemitamo yose senzira yekuderedza kuungana kwevanhu kuitira kuti denda reCovid-19 risapararire pakati peveruzhinji.

“Mutambo wemaChevrons neBangladesh uchatambirwa kuHarare Sports Club pasina vatsigiri uye mutambo weODI weSuper League uchange uri wekurwira tikiti rekuenda ku2023 World Cup iyo ichatambirwa kuIndia.

“Mutambo weSuper League une zvikwata 13 uchaona zvikwata zvinomwe zvinopedza zviri pamusoro kusanganisira India zvichibudirira kuenda kumutambo uyu. Zvimwe zvikwata zvishanu zvinenge zvasara zvinozonokwikwidza kune umwe mutambo wequalifier uyo uchazoona zvikwata zviviri zvichihwiniswa tikiti rekutevera kuIndia,” ZC inodaro.

ZC inozivisa kuti pachasangana maChevrons neBangladesh zvikwata zviviri izvi zvichange zviri mubio-secure bubble izvo zvinoreva kuti zvikwata zviviri izvi zvichange zvichigara zvoga munzvimbo iyo ichange isina veruzhinji uye vasingasangane neveruzhinji izvo zvinobatsira zvikuru mukuderedza kutapurirwa kwedenda reCovid-19.

ZC yakazivisa zvekare svondo rino kuti vatambi vayo vanosvika 27 vakakwanisa kubaiwa nhomba yekudzivirira Covid-19 pamwe nevashandi veZC vanosanganisira varairidzi vechikwata ichi vanosvika 20.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey