MaChevrons omirira Sri Lanka

10 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
MaChevrons omirira Sri Lanka Lalchand Rajput

Kwayedza

Abel Ndooka

CHIKWATA cheZimbabwe Cricket (ZC) chemaChevrons chichasangana necheSri Lanka mumitambo miviri yeTest Match Series ichatambirwa kuHarare Sports Club mwedzi uno.

Mutambo wekutanga uriko musi wa19 uye uchizopera musi wa23 Ndira kozoti wechipiri uchizotanga musi wa27 uchipera musi wa31 Ndira.

Murairidzi wemaChevrons, Lalchand Rajput, anoti ari kutarisira zvikuru kumutambo uyu.

“Sri Lanka chikwata chikuru mumutambo uyu uye change chichitamba zvepamusoro kwenguva refu. Saka ndiri kutarisira zvikuru mumutambo weTest match uyu. Kwatiri kutanga patsva uye zvakatinakira kutanga nemutambo uyu wakakura sezvo unoburitsa zvipo zviri muvatambi vedu,” anodaro.

Chikwata chemaChevrons chiri kupinda mukembi svondo rino umo chichatanga kuita gadziriro dzacho.

MaChevrons akapedzisira kukwikwidza mumutambo wetest mugore ra2018 apo akasangana neBangladesh, kuBangladesh.

Rajput anoti ane chivimbo chikuru kuti chikwata chake chichatamba zvinonwisa mvura chiri pamusha.

“Tinowanzotamba zvakanaka tiri pamusha saka tine chivimbo chikuru kuti tichatamba zvinogutsa uye zvinofadza. Vatambi vedu vange vachitamba mitambo yakasiyana-siyana saka tinofanirwa kutamba zvepamusoro. Hatina hedu kutamba mitambo yakawanda asi ndinoziva vatambi vari kutarisira zvikuru mumutambo uyu,” anodaro.

Sri Lanka yakapedzisira kutamba nemaChevrons mumitambo yeTest match mugore ra2016 ndokuhwina mitambo yose iri miviri.

Zvakadaro, ZC yakazivisa svondo rino kuti Sean Williams ndiye achange ari kaputeni wechikwata ichi mumitambo yeTest match kozoti Chamu Chibhabha achambofanobatawo chigaro chehukaputeni mumitambo yeOne Day International neTwenty20 series.

Vaviri ava vakatsiva Hamilton Masakadza uyo akasendeka kutamba mutambo uyu gore radarika.

Masakadza ave director of cricket kuZC uye ndiye akakurudzira bhodhi reZC kuti rikwidziridze vatambi vaviri ava kuvagadza pazvigaro izvi.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey